Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chitatu, Kubvumbi 13, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube voramba kuti kushaya simba kwedhora remunyika ndiko kwopa kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru vachiti hondo yekurwiswa kweUkraine neRussia ndiyo yopa kuti zvinhu zvisagadzikan emunyika

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri kuSouth Africa zvave kugara zvakabatira ura mumaoko nekutyira kurwiswa nezvizvarwa zveSouth Africa zvichitevera kupondwa nekupiswa kwechimwe chizvarwa cheZimbabwe VaElvis Nyathi munyika iyi.

Muzvare Mary Mubaiwa vanonzi vabatwa nemhosva yekutyora mutemo wekuroorana kana kuti Marriages Act vachinzi vakanyepera mejastiriti kuti vainge vatenderana kuroorana nemurume wavo vasati vatanga kunetsana, vanova mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga.

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa nezuro vakabatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC kuzeya nezvehondo yekurwisa vanopfurikidza mweo kuCabo Delgado kuMozambique.

Vagari vekuMasvingo vochema chema nemvura ine tsvina iri kubuda mupombi dzemba dzavo.

Vabereki votatarika kutora magwaro ekuzvarwa kwevana vavo nezvikonzero zvakasiyana siyana kuMashonaland West.

Muchirongwa cheDiaspora Forum chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nhasi tiri kutaura nezvekusagadzikana kwezvinhu kuSouth Africa uye hondo yekuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG