Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari veMasvingo Vogunun'una neMvura Yakasviba Yobuda Mupombi Dzavo


Vagari vemudhorobha reMasvingo vatosvorana neKanzuru yavo iyo yavari kupomera mhosva yekuisa hupenyu hwavo munjodzi mushure mekupedza mavhiki anodarika maviri vachiwana mvura yakasviba mupombi dzavo.

Mumwe mugari wemumuhsa wekuRujeko, Muzvare Cecilia Makono, anoti vave nenguva yakareba vachiisa zvichemo kukanzuru kuti mvura iri kubuda mudzimba yakasviba asi vakuru vedhorobha vari kuisa zvimiti munzeve.

Vamwe vagary vanoti havasi kunzwisira kuti sei kanzuru isiri kutenga mishonga yekuchenesa mvura ivo vachibhadhara mitero mwedzi wega wega.

Ambuya Ropafadzo Tabe, vekuMucheke D, vanoti chiri kuvarwadza inyaya yekuti kanzuru haisi kuvaudza kuti chii chiri kunetsa.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vati vane hurombo nekubuda kwemvura yakasviba izvo vati zviri konzerwa nemapaipi akadhuuka ave kupinza jecha mumvura uye vakurudzira vagary kuti vambomira kunwa mvura iyi.

Asi vaonona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Allaince(MURRA), Muzvare Rumbidzai Magururpira, vapikisa meya vachiti dambudziko iri rave neguva yakareba risina kugadzirwa.

Muzvare Magurupira, aenderera mberi achiti kanzuru inofanira kukoshesa hupenyu hwevanhu nekudaro inofanira kugadzirisa dambudziko iri nechimbi chimbi.

Zvichakadaro vagari vemudhorobha reMasvingo vakurudzira bazi rinoona nezvesarudzo kuti risvitse mashoko echirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota muvanhu sezvo vazhinji vasingazivi nezvacho.

Vachitaura pamusangano wakaitwa neMurra pakati pevagari ne ZEC nezuro, vagari vazhinji vakati havasi kuziva nezve chirongwa ichi nekuti hachisi kunyatsoshambadzirwa zvakakwana.

Mumwe mugari Amai Tracy Musakaruka, vanoti vechidiki vazhinji vanofanira kunyoresa kuti vavhote havasi kuenda munzvimbo dziri kunyoreswa neZEC dzinogara veruzhinji nekuti havana ruzivo nezvechirongwa ichi. Chirongwa ichi chinova chechipiri chakatanga musi wa 11 uye chinopera musi wa30 mwedzi uno.


Pachirongwa chekutanga chakaitwa muna Kukadzi, ZEC yakakwanisa kunyoresa vanhu zviuru zvitanhatu chete mudunhu rese reMasvingo vanova vanhu vashoma shoma. Hatina kukwanisa kubata mukuru weZEC muMasvingo VaZex Pudurai kuti tinzwe divi ravo sezvo vashandi veZEC vange vari pamusangano vakaramba kutaura nevatori venhau vachiti havabvumidzwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG