Kukwira kwemitengo yezvinhu muAmerica kunonzi kwakawedzera mumwedzi waKurume nezvikamu zvisere zvine zviga zvishanu, kana kuti 8.5 percent, zvichienzaniswa naKurume wegore rapera.
Kukwira uku kunonzi ndiko kwakakurisisa pagore kubva muna Zvita 1981.
Gwaro riri pamusoro pekukwira kwemitengo yezvinhu iri akaburitswa neChipiri neboka reBureau of Labor Statistics, rinoratidzawo kuti mitengo yezvinhu yakakwira nechikamu chimwe chine zviga zviviri, kana kuti 1.2 percent muna Kurume gore rino zvichienzaniswa naKukadzi wegore rino.
Zvinhu zvinonzi zvakanyanya kuwedzera pakukwira kwemitengo zvinosanganisira mafuta ekufambisa dzimotokari, zvekudya nepekugara.
Mutengo wemafuta unonzi uri kuwedzerwa kukwira nekuda kwehondo yeRussia neUkraine.
Muzinda weWhite House pamwe nedura renyika reFederal Reserve, vanonzi kumboedza kubuda nezvirongwa zvingadzikamisa mitengo, asi zvirongwa izvi zvinonzi nenyanzvi mune zvehupfumi vari zvakare mudzidzisi mukuru wezvemabhizimusi pamwe nekudyidzana kwenyika dzepasi rose paDeVry University kuOhio Muzvinafundo Elliot Masocha, zvinogona kupa michero.
NeChipiri mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, vakazivisa nezvematanho ari kutorwa nehurumende yavo akanangana nekuderedza mari inodiwa nemhuri inoenda kubasa pamwe nekuderedza kukwira kwemitengo kwavanoti kwakonzereswa naVaPutin.
Facebook Forum