Accessibility links

Breaking News

Vaive Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, Vanotambidzwa Mubairo Wekurwira Vashandi weFebe Elisabeth Velasquez neSangano reFNV reNetherlands


Vaimbove mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa
Vaimbove mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa

Vaive mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, neChipiri vakatambidzwa mubairo wekurwira kodzero dzevashandi, weFebe Elisabeth Velasquez, nesangano guru rinomirira vashandi muNetherlands reDutch Federatie Nederlandse Vakbeweging (FNV) kuNetherlands kwakare.

VaMutasa vakapiwa mubairo uyu gore rapera ra 2021, asi vakakundikana kuenda kuNetherlands kunoutambidzwa, asi vakazokwanisa kufamba mwedzi uno.

Mubairo uyu unopiwa vatungamiri vevashandi vanenge varatidza hushingi mukuita basa ravo munyika dzavo kunyange zvinhu zvakaoma sei, asi ivo vanozviisa munjodzi, vachimirira vashandi munyika dzinonzi dzinotyora kodzero dzevashandi.

Mubairo uyu wakaparurwa muna 1991 nesangano reDutch Federatie Nederlandse Vakbeweging (FNV) senzira yekuremekedza murwiri wekodzero dzevashandi Febe Elizabeth Velasquez weku El Salvado, uyo aive nemakore makumi maviri nemanomwe paakaurayiwa muna 1989 nekuda kwemabasa ake ekurwira kodzero dzevashandi.

VaMutasa vanoti chikuru chavakafambira kuNetherlands musangano mukuru wesangano reFNV unoitwa makore mashanu oga oga, uye vachatendererawo kune dzimwe nyika dzemu Europe vachisangana nemamwe masangano anomirirawo vashandi munyika idzi.

Vanotiwo vakapiwa mukana wekuzivisa vashandi vemuNetherlands pamwe nevekune dzimwe nyika vari pamusangano uyu vachiti chikuru chavakataura nezvacho ndechekuti vashandi vemuZimbabwe vari kumbunyikidzwa, uye kodzero dzavo dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika hadzichateedzerwi.

Hurukuro naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG