Meya veHarare vakambenge vamiswa basa, VaJacob Mafume, vanoti vakadzoka pabasa neChipiri zvichitevera mutongo wakapiwa nedare repamusoro neMuvhuro wekumisa gurukota rezvekutongwa kwematunhu pamwe nekanzuru yeHarare kugadza mumwe meya pachigaro chameya uchiti kudzingwa kwavo nebato rePeople’s Democratic Party (PDP) pahukanzura kwakanga kusiri pamutemo.
VaMoyo vakanga vazivisa nezvekudzingwa kwaVaMafume mwedzi wapera zvichitevera tsamba yavakanga vanyorerwa nechimwe chikwata chebato rePDP chaiti chakanga chavadzinga mubato iri sezvo vanga vave nhengo yebato reCitizens’ Coalition for Change.
Asi VaMafume vakaudza dare kuti vakanga vasiri nhengo yechikwata chePDP chakanga chichinzi chakavadzinga.
VaMafume pamwe nevaive meya veMutare, VaSimon Chabuka nevaive kaunzura veBulawayo VaArnold Batirai Dube, vakakwira kudare repamusoro vachipikisa kudzingwa kwavo nechikwata chePDP ichi, izvo zvakasimbiswa nemutongi wedare repamusoro reHigh Court, Justice Munamato Mutevedzi.
VaMafume vanoti vatove pakati pekufambisa mabasa ekanzuru ari kutarisirwa nevagari, akaita sekutakurwa kwemarara, kuwanisa vagari mvura yekunwa yakachena nezvimwe.
Facebook Forum