Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu PF muParamende Dzinovhota Dzichitambira Patriotic Bill


Temba Mliswa, the head of Zimbabwe's parliamentary committee on mines and energy says his committee plans to summon ex-president Robert Mugabe, former vice president Joice Mujuru, and wants current Vice President Kembo Mohadi to testify too on Zimbabwe’s
Temba Mliswa, the head of Zimbabwe's parliamentary committee on mines and energy says his committee plans to summon ex-president Robert Mugabe, former vice president Joice Mujuru, and wants current Vice President Kembo Mohadi to testify too on Zimbabwe’s

Dare reparamende, iro rine nhengo dzeZanu PF dzakawanda kudarika vanopikisa, neMuvhuro rakavhota richitambira bhiri rePatriotic Bill, kuti rive mutemo.

Bhiri iri riri kushoropodzwa nevamwe vanosanganisira vanopikisa hurumende pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vachiti rakanangana nekuti ive mhosva kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvashoropodza kana kutaura zvakaipa pamusoro penyika yazvo.

Kupfuura kwebhiri iri mudare reparamende kwave kureva kuti rave kuenda mudare reseneti, uko rinotarisirwa zvakare kuti rinopasiswa sezvo bato riri kutonga reZanu PF riine nhengo dzakawanda zvakare imomo kudarika dzinopikisa.

Kana bhiri iri rakapasiswa nedare reseneti, rinenge rave kumirira kusainwa nemutungamiri wenyika kuti uchive mutemo.

Nhengo yeparamende yakazvimirira vachimirira Norton mudare reparamende, VaTemba Mliswa, avo vanove mumwe wevanhu vari kupikisa bhiri iri, vanoti nyika iri kupedza nguva yakawanda nezvinhu zvisina basa zvakaita sePatriotic Bill iyo nyika ichitsva.

Hurukuro naVaTemba Mliswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG