Accessibility links

Breaking News

VaPutin Vanoti Nhaurirano dzeRunyararo neUkraine Dzakundikana


VaVladimir Putin nemutungamiri weBelarus Va Alexander Lukashenko
VaVladimir Putin nemutungamiri weBelarus Va Alexander Lukashenko

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka muUkraine umo mauto eRussia akawanda anonzi ananga kudunhu reDonbas.

Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin vanoti hapana kudududza pahondo iyi uye nhasi vange vachisangana nemutungamiri weBelarus VaAlexander Lukashenko. VaPutin vakadomawo VaAleksandr Dvornikov kuti vatungamire mauto.

VaDvonikov vari kupomerwa mhosva dzekuponda vanuwo zvavo kuSyria zvakapa kuti vapihwe zita remadunhurirwa rekuti, "The Butcher of Syria"

VaPutin vati nhaurirano dzatadza kubudirira nekudaro vave kuenderera mberi nehondo. Ukraine inoti vanhu vanodarika zviuru zvina vabviswa kunzvimbo dzine hondo kuti vambonopotera.

Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelensky vakumbira zvimwe zvembo zvekurwisa Russia kubva kuEuropean Union mushure mekubuda kwemashoko ekuti vanhu zviuru gumi vakafa mudunhu reMariupol.

Panewo mashoko achiri kuferefetwa ekuti Russia yave kushandisa zvombo zvine muchetura muUkraine.

Vachitaura neStudio 7 nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Mosses Rumano vati hondo iyi inogona kuguma yapararira pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG