Accessibility links

Breaking News

ZACC Yoita Madamburataka Mutariko wekuMahositeri paNyaya yeMari dzeMitero


Sachigaro weZACC amai Loice Matanda Moyo kuruboshwe
Sachigaro weZACC amai Loice Matanda Moyo kuruboshwe

Zimbabwe Anti-Corruption Commission iti kusafambiswa basa kwakamboitwa nevaitungamira komisheni iyi ndiko kwopa kuti mabhuku ayo emari asamire zvakanaka.

Izvi zvinotevera gwaro rakaburitswa nehofisi inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende kana kuti Auditor General ekuti ZACC iri pamapazi nemakomisheni ehurumende asina kuipa magwaro ekuti yakafambisa sei mari dzayakapihwa nehurumende.

Mutauriri weZACC VaJohn Makamure vaudza Studio 7 kuti matambudziko ari kusangana nekomisheni yavo akakonzerwa nevainge vachiitungamira pasati pauya makomishinia matsva.

Hurukuro na VaJohn Makamure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vati vari kushanda nehofissi vachipindura VaAlois Chaumba vesangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa neZACC ndezvemugotsi matsuro sezvo isiri kungobvuma kuti haina kufambisa mari zvakanka.

Vati dai makomishina aya aine nyadzai angadai angosiya basa nekuti ivo ndivo vanotarisirwa kutungamira nyaya dzekurwisa huori asi ivo vasina maoko akachena.

Hurukuro naVaAlois Chaumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG