Vanhu gumi vanonzi vakuvara, vashanu vavo zvakaipisisa mushure mekupfurwa nepfuti kuBrooklyn New York, muAmerica pavange vari muchitima. Izvi zvaitikira pachiteshi che36th Street paSunset Park.
Dzimwe nhepfenyuro dziri kuti vapfurwa vanodarika gumi nevatanhatu. Mapurisa nematikitivha anonzi atanga kutsvaga murume ari kufungidzirwa kuti apfura vanhu ava. Pane mashoko ekuti pfuti yange iine munhu uyu yaramba kushanda zvinogona kunge zvabatsira kuti asauraye vanhu vakawanda.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta iri uye vari mufundisi VaChaka Ngwenya vanoti havasati vanzwa kana paine chizvarwa cheZimbabwe chakuvara muchiitiko ichi.
Facebook Forum