Accessibility links

Breaking News

United Nations Yoshora Kupondwa kwaVaElvis Nyathi muSouth Africa


Sangano reUnited Nations rashora zvikuru kupondwa nekupiswa kwakaitwa chizvarwa cheZimbabwe kuSouth Africa VaElvis Nyathi muDiepsloot, Johannesburg svondo rapera.

Mumashoko kuvatori venhau, vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reUnited Nations muSouth Africa VaAyodele Odusola vashora zvikuru kupondwa kwaVaMoyo avo vakasiya mudzimai nevana vana vachiti zvinosuwisa kuti zvinhu zvakadai zvinoitika munyika ine bumbiro remutemo rinopembedzwa pasi rose.

VaOdusola vati South Africa yakaisa ruoko rwayo pazvibvumirano zvakawanda zveUnited Nations zvinokurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzevapoteri nevanhuwo zvavo nekudaro inofanira kuzviremekedza.

United Nations yati inotambira zviri kuitwa nevamwe vatungamiri vehurumende yeSouth Africa zvekushora kurwiswa kuri kuitwa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakaburitsa mashoko nezuro kumhuri yenyika yavo vachiti vasarwise zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG