Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chipiri, Kubvumbi 12, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo kuSouth Africa zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichiti kudzokera kumusha kuri nani panguva ino.

Komisheni inoona nezvekurwisa huori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission yovimbisa kupa mhindura panyaya yekuti yakakundikana kupa hofisi inoona nezvemafambisirwo emari yehurumende magwaro ekuti yakafambisa sei mari dzayo sezvinotarisirwa.

ZIMSEC yozivisa nezvekubuda kwezvakabuda mubvunzo dzeO’ level.

Mitengo yezvinhu yowedzera zvopa kuti vashandi vanonge svosve nemuromo mihoro yavo ichishaya basa.

Ukraine yoyambira kuti munyika iyi muchadeuka ropa rakawanda sezvo Russia iri kuvimbisa kuti haisi kuzodududza pahondo iyi.

Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na 8 pm nhasi, Mike Hove weStudio 7 ari kuita hurukuro nezvezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa nezvechirongwa chirikunzi Operation Dudula chekudzinga zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika chiri kuitwa nezvimwe zvizvarwa zveSouth Africa . Muchirongwa chanhasi Mike achataura nevanotevera. VaVincent Tshuma- ZAPU ,VaNtungamili Ncube-Chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa ,VaDonald Mamboma-chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG