WASHINGTON —
Magetsi anonzi akambodzima panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport neMvhuro manheru, izvo zvinonzi zvakambokanganisa kufambaiswa kwemabasa panhandare iyi.
Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaFelix Mhona, vakatenda kuStudio 7 neMuvhuro manheru kuti magetsi akamboenda asi vachiti akangoenda kwenguva diki diki iri pasi pemasekenzi makumi mapfumbamwe chete, vashandi vepanhandare vachibva vangobatidza magetsi echimbichimbi.
VaMhona vakati dambudziko rekumboshaikwa kwemagetsi iri rakakonzerwa nemheni yavanoti ndiyo yakarova magetsi panhandare apa.
Facebook Forum