Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaBiden, Vanoita Musangano neMutungamiri weHurumende yeIndia, VaModi, Pamusoro peHondo yeRussia neUkraine


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vakaita musangano wepadandemutande nemutungamiri wehurumende yeIndia, VaNarendra Modi pamusoro pehondo iri pakati peRussia neUkraine.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vakaita musangano wepadandemutande nemutungamiri wehurumende yeIndia, VaNarendra Modi pamusoro pehondo iri pakati peRussia neUkraine.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutungamiri wehurumende yeIndia, VaNarendra Modi, vakaita musangano wepandemutande neMuvhuro wakanangana nekupinda nechisimba kweRussia muUkraine, apo America iri kusunda India kuti itore matanho anoomesera Russia.

VaBiden vanonzi vakatanga hurukuro yavo nekutsanangura hukama huro pakati peAmerica neIndia, vachiti nyika mbiri idzi dzicharamba dzichirovana masoro panyaya yekuti dzingadzikamisa sei matambudziko akonzerwa nehondo yeRussia iyi.

VaModi vanonzi vakazivisawo kuti vakanga vataura nemutungamiri weRussia, VaValadmir Putin nekuvakurudzira kuti vaite nhaurirano nemutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zelenskyy.

India inonzi yaramba isina divi rairi kutora pahondo iyi, izvo zvinonzi zviri kutambudza America, uye haina kutemera Russia zvirango. I

ndia iri kurambawo ichitenga mafuta ne gas kubva kuRussia, kunyange hazvo iri kunzi neAmerica nedzimwe nyika imire kuita izvi.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaFrenk Guni, vanoti zvichanetsa kuti America ikwanise kumisa India kuti isatenga mafuta nedzimwe mhando dzemoto kubva kuRussia nechkonzero chekuti Russia iri kutengesera nyika dzichiri kutenga mafuta kwairi nemutengo wakaderera zvakanyanya.

VaGuni vanotiwo havaoni India ichiteerera America zvakanyanya nechikonzero chekuti inotenga zvombo kuRussia, nekudaro inoda kuti hukama kwayo nenyika iyi hurambe hwakanaka.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG