Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMutemo, VaZiyambi, Vanosangana neVemasangano Akazvimirira Vachizeya nezvePVO Amendment Bill


Zimbabwe’s justice minister, Ziyambi Ziyambi, addresses journalists in Harare, Aug. 19, 2020. (Columbus Mavhunga/VOA)
Zimbabwe’s justice minister, Ziyambi Ziyambi, addresses journalists in Harare, Aug. 19, 2020. (Columbus Mavhunga/VOA)

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakasangana nezuro nemamwe masangano akazvimirira oga vachizeya nezvekuvandudzwa kwebhiri re Private Voluntary Organisation.

Vemasangano akazvimirira vari kuramba kuti bhiri iri rive mutemo vachiti rakanangana nekupa hurumende masimba akawanda pamusoro pemashandiro emasangano akazvimirira munyika, zvinogona kuita kuti vamwe vagume vakandwa mumajeri.

Masangano gumi nemanomwe, kusanganisira reCrisis in Zimbabwe Coalition, anonzi ndiwo akasangana naVaZiyambi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaZiyambi sezvo vanga vasati vapindura mubvunzo wedu watavatumira pataenda pamhepo.

Asi mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vanoti chimwe chiri kurambwa nevemasangano akazvimirira oga inyaya yekuiswa muhapwa nehurumende.

VaMasaraure vanoti musangano uyu wakasunga kuti masangano akazvimirira anyore pasi zvaari kupokana nazvo mubhiri iri, izvo zvinozozeyiwa nedare remakurukota.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG