Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chopona Nepasaka reShumba kuSouth Africa Mushure Mekutemwa neDemo


VaImmanuel Zinja
VaImmanuel Zinja

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaImmanuel Zinja vanoti vanotenda Mwari kuti vachiri vapenyu mushure mekuda kupondwa kwavakaitwa kunzvimbo yeBredasdorp kuWestern Cape mavhiki apfura nezvizvarwa zvemuSouth Africa zvainge zvapihwa mvumo yekuratidzira murunyararo nemapurisa asi zvikazotanga mhirizhonga.

VaZinja vaudza Studio 7 kuti vakapona nepaburi retsono mushure mekutemwa nedemo mumusoro nemhomho yevairatidzira ichiti zvizvarwa zveZimbabwe zvidzokere kumusha kwazvo sezvo zvainge zvotorera zvizvarwa zveSouth Africa mabasa.

VaZinja vanoti vakaenda kuSouth Africa mugore ra 2014 umo vange vachiita basa rekutema huni vakazotora mudzimai wavo kuti auye kuzogara vano.

Vanoti mudzimai wavo uyu akazvitakura parizvino. Vaenderera mberi vachiti vamwe vana vavo vari kuZimbabwe uye vari kutsvaga rubatsiro rwekuti vadzokere kumusha sezvo basa rakapera uye vave kurwara.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG