Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Vonyoresa Kuvhota Apo ZEC Yoenda Pedyo neMisha Yavo


Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Chirongwa chekunyoresa kuvhota chiri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission chatanga nhasi vanhu vashoma vachinonyoresa asi vamwe vanhu vachiti hakuna kuitwa dzidziso yakakwana.

Mumwe wevanyoresa kuvhota nhasi paKuwadzana High 1 uyo asina kuda kudomwqa nezita rake, ati aenda kunonyoresa mushure mekunge aparidzirwa shoko nezuro kusvondo nevamwe vashandi veZEC.

Murume uyu ati anyoresa zvakanaka, asi anga achingove ega. Mumwe wevechidiki mumusha weKuwadzana, VaJohn Chadzuka, vatiwo kunyange hazvo vange vari kukurudzira vamwe vechidiki kuti vanonyoresa kuvhota, vati wanga uri mutoro mukuru.

VaHappy Andiseni vatiwo zvaigona kubatsira dai vashandi veZEC vakafamba vachiita dzidziso pamwe nekushambadzira nzvimbo dzavanenge vari.

Muzvare Everjoy Chidindi vanoshanda nebato re Labour Economists and Afrikan Democrats (LEAD) vaudzawo Studio 7 kuti vanoshushikana nekushomeka kwevanhu vari kunyoresa kuvhota.

Vati panoda dzidziso yakakura kunyanya kune vechidiki kuti zvii zvakakoshera kuvhota.

Vakafanobata chigaro chasachigaro wevechidiki mubato reZanu PF, VaTendai Chirau, vatiwo kubato ravo vari kukurudzirana sevechidiki kuti vafambise shoko neruzivo rwezvechirongwa chekunyoresa kuvhota ichi pamwe nechirongwa chakatangwa nehurumende mwedzi uno chekuwanisa vasina mapepa anoratidza kuti uri chizvarwa chenyika .

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZimbabwe Election Support Network, Amai Ellen Dingani, vanotiwo zvanga zvakakosha kuti dai zvirongwa zviviri zvehurumende izvi chekuwanisa vanhu magwaro pamwe nekunyoresa kuvhota zvaitwa panzvimbo imwe chete kuitira kurerutsira veruzhinji.

Chirongwa chechipiri chekunyoresa kuvhota ichi chiri kutarisirwa kupera musi wa 30 Kubvumbi.

Chirongwa chekutanga chakaitwa muna Kukadzi, uye vanhu vatsva vakanyoresa kuvhota vanodarika zviuru makumi masere nechimwe.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, sezvo tatadza kuvabata panharembozha yavo.
Asi mugwaro rakabuditswa neZEC nezuro, sangano iri rinoti munhu anonyoresa kuvhota anofanirwa kunge ava nemakore gumi nemasere kana kudarika, uyo nzvimbo dzekunyoresa dzinovhurwa na 7 dzemangwanani dzichivharwa na 5:30pm.

Zimbabwe yakatarisana nesarudzo gore rinouya uye matunhu anogona kuwedzerwa zvichienderana nekuti vanhu vakawanda zvakadii vanenge vanyoresa.

Pari zvino Zimbabwe ine matunhu mazana maviri negumi anokwikwidzwa zvigaro zvekupinda mudare reNational Assembly.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG