Accessibility links

Breaking News

Makanzura eCCC Otora Mhiko kuMasvingo


Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa

Makanzura mana ebato reCitizen Coalition for Change(CCC) atora mhiko yekutanga kushanda zviri pamutemo mudhorobha reMasvingo nhasi vachiti vave kutotanga basa rekugadzirisa matambudziko ari kusangana nevagari mumaward avo avo ange ave nenguva yakareba asina vamiriri mushure mekumiswa basa kwakamboitwa vamwe vamiriri nebato reMDCT.

Makanzura mana aya anoti, VaRocky Kamuzonda veward 3, VaRicharda Musekiwa ward 4, VaAleck Tabe ward 4 naVaDaniel Mberikunashe wad 5 vatora mhiko yekutanga basa pamberi pemunyori wekanzuru, VaEdward Mukaratirwa, paCivic Centre.
Vachitaura neStudio 7 mushure mekutora mhiko, VaTabe vekuward 4, vati wadhi yavo ine dambudziko guru remvura nekudaro ndoravari kutanga kugadzirisa.
VaKamuzonda, vatiwo vatotanga basa nhasi apo vaendesa zvichemo zvevagari vavo kukanzuru pavapedza kutora mhiko.

Kanzuru yeMasvingo yange ichishanda ine makanzura asina kukwana izvo zvaiita kuti kufambiswa kwemabasa kunetse kubva zvakamiswa makanzura mana nebato reMDCT vachipomerwa mhosva yekutsigira VaNelson Chamisa avo vave nebato ravo idzva reCitizens Coalition for Change.


Meya weguta reMasvingo, VaCollen Mboke, vati chirongwa chekutoresa makanzura matsva mhiko kuti vatange basa chafamba zvakanaka.

Tichiri panyaya iyi, mamwe makanzura atoreswawo mhiko muguta reMutare nemamwe kuti vatangewo basa.

Zvichakadaro vagari vemudunhu rekwaSengwe kuChiredzi vari kukumbira rubatsiro rwechikafu nechimbi chimbi sezvo vakatarisana nenzara inityisa zvichitevera kutsva kwakaita zvirimwa zvavo gore rino nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Vachitaura neStudio7 mumwe mugari, VaNorman Sengwe, vati vari kukumbira rubatsiro kubva kumasangano akazvimirira pamwe nehurumende nguva ichiripo nekuti vakanonokerwa vanorasikirwa nehupenyu.


Izvi zvatsinhirwawo naSadunhu venzvimbo iyi VaDavid Simbi Marumbini, avo vati nnekuda kwenzara iriko gore rino vamwe vana vazhinji vakatotadza kuenda kuchiko kotoro ichangopfuura zvavanoti zvichapa kuti vakawande vatadze kuenda kuchikoro mukotoro inotevera.


Studio 7 yakundikana kubata munyori mukuru mubazi rezvekufambiswa kwebasa muhofisi yagurukota reMasvingo, Dr Jefter Sakupwanya, kuti tinzwe kuti hurumende ine zvirongwa zvekubatsira vakatarisana nenzara here sezvo nhare yavo yangaisingadairwi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG