Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vomira neRussia Vachishora NATO Pakurwiswa kweUkraine


 VaEmmerson Mnangagwa naVaVladimir Putin
VaEmmerson Mnangagwa naVaVladimir Putin

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaposa nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica nedzimwe vari kuramba kushora Russia nekuyedza kupamba kwairi kuda kuita Ukraine uye mhosva dziri kupomerwa mauto ayo dzekuponda vanhuwo zvavo.

VaMnangagwa naVaRamaphosa vari kuti nyika dziri mugungano reNorth Atlantic Treaty Organization kana kuti NATO ndidzo dzakakonzera hondo iyi. NATO ine America nedzimwe nyika dzemuEurope.

Vachinyora mubepanhau reSunday Mail, VaMnangagwa vakati nyika dziri mugungano reNATO ndidzo dzakakonzera kusagadzikana kumabuda zuva kweEurope nekuda kukomberedza kwadzo nyika yeRussia nenyika dziri mugungano iri zvakapa kuti Russia irwise Ukraine senzira yekuzvidzivirira. a

VaMnangagwa vanoti hondo iyi yave kupa kuti pade mafungiro matsva mukudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika vakati ndokusaka vakaenda kuKenya, Mozambique, Rwanda neUnited Arab Emirates kunosimbaradza nyaya dzekutengeserana vachiti remangwana renyika dzepasi rino rachinja uye havaone America ichiramba iri pamberi munyaya dzekutengeserana.

Zimbabwe haisi kungotaura chete kuti inotsigira Russia asi zviri kuonekwa nemaitiro. Musi wa 2 KurumeZimbabwe yakabatana nedzimwe nyika makumi matatu neshanu dzisina kuvhota muUnited Nations General Assembly pachisungo chekuti Russia ishorwe nekupamba Ukraine.

Svondo rapera, Zimbabwe yange iri panyika makumi maviri neina dzakavhotawo muU.N General Assembly kuti Russia isamiswe kuva nhengo yekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu kana kuti UN Human Rights Commission.

Nyika dzisati dzavhota, Russia iyo yakatemerwa zvirango zvakaomarara neAmerica neshamwari dzayo yakange yayambira nyika dzose kuti kuvhota kuti iburitswe kana kurega kuvhota zvaizoonekwa sekuidenha uye zvaiuyawo nezvirango. Asi kutyisidzira uku hakuna kubatsira nekuti yakamiswa kuva nhengo yekomisheni iyi.

Vachitaura neStudio parunhare panyaya nhasi, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Doctor Fredrick Shava vati havana chekutaura sezvo mukuru wavo ataura kare.
Asi vachitaura pakuvhota kweZimbabwe svondo rapera ichitsigira Russia VaShava vakati hapana nyika inekodzero yekudzinga imwe nyika mukomisheni iyi.

Nhengo yeZanu-PF uye vaive mutungamiri webato rinopikisa reDARE VaGilbert Dzikiti vanoti vanotenderana nemashoko aVaMnangagwa,

Asi mukuru weMedia Centre vari nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vati zviri kuitwa neZimbabwe zvekutora divi zvine matambudziko.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, VaWurayayi Zembe vanoti mashoko aVaMnangwa anosvibisa chimiro cheZimbabwe pasi rose.

VaZembe vanoti hapana gakava rinopedzwa nekurwa asi nekutaurirana vachiti zvichaparira nyika mberi.

Mutauriri werimwe bato rinopikisa reMDC T inotingamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube vanoti nyika yeZimbabwe inofanirwa kunge iri nyika inehushamwari nenyika dzose.

Munyori mukuru anoona nezvebazi revagari vari mune dzimwe nyika mubato reCitizen Coalition for Change-CCC-VaClifford Hlatswayo vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kukurudzira runyararo kwete mhirizhonga.

Mushandi wepamuzinda weAmerica muZimbabwe VaSizani Weza vapindura padandemutande ravo reWhatsApp kuti pamire nyika yeAmerica panozivikanwa pasi rose asi havana kupataura. America iri kuratidzawo kuti haisi kufara nenyika dziri kutsigira Russia.

Mmutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vataurawo parunhare nemutungamiri wehurumende yeIndia VaNarendra Modi nezvehondo iyi. India yakati haisi kuda kutora divi pahondo iyi uye iri kuenderera mberi ichidyidzana neRussia. Asi VaBiden vari kuda kukurudzira India kuti isadyidzana neRussia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG