Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kubvumbi 11, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Mumashoko avakanyora kubepanhau reSunday Mail, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti NATO ndiyo yakakonzera kusagadzikana kunyika dzekumawirira zvakapa kuti Russia ide kupamba Ukraine. Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanopokana nemaonero avo.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vanyora tsamba vachikurudzira zvizvarwa zvenyika yavo kuti zvisarwise zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mushure mekunge chizvarwa cheZimbabwe VaElvis Nyathi vapondwa nekupiswa kuDiepsloot, Johannesburg nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zvemuSouth Africa svondo rapera munyaya iri kurwadza vanhu vakawanda.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chotaura nezvekuda kupondwa muSouth Africa uye kupona nepaburi retsono kwachakaita.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vosangana nemasangano akazvimirira oga kuti vazeye nezvemutemo wakonzera mutaura wakanyanya wePrivate Voluntary Organizations Amendment Bill.

MuHarare vanhu vashoma shoma vaenda kunonyoresa kuvhota nhasi paparurwa chimwe chirongwa chekunyoresa vanhu vakawanda pedyo nemisha yavo nesangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

Mamwe makanzura akakunda musarudzo dzichangodarika dzemaby-elections otoreswa mhiko kwaMutare neMasvingo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk chanhasi na 8 pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu kuSouth Africa kuri kunzi nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi kwaberekera ingwe sezvo zvorwiswa. Tichatarisawo hondo iri kuUkraine iyo iri kurwiswa neRussia iri kutsigirwawo nehurumende yeZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG