Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoparura Chirongwa Chepiri cheKunyoresa Kuvhota Ichipinda muVanhu


Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission. ZEC iri kuparura chirongwa chepiri chekupinda muvanhu vachinyoresa kuvhota.
Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission. ZEC iri kuparura chirongwa chepiri chekupinda muvanhu vachinyoresa kuvhota.

Chirongwa cheZimbabwe Electoral C ommission, ZEC, chepiri chekufamba ichinyoresa vanhu kuvhota chiri kutanga neMuvhuro 11 Kubvumbi munyika yose, vanhu vachikurudzirwa kuti vatore mukana uyu kuti vanyorese kuitira kuti vagozokwanisa kuvhota.

Muchiziviso kuzvizvarwa zveZimbabwe, ZEC yakazivisa neSvondo kuti vanhu vanoenda kunonyoresa vanofanirwa kunge vaine zvitupa pamwe nemagwaro anoratida kero yepavanogara.

ZEC inoti nzvimbo dzekunyoresa kuvhota dzichavhurwa nenguva dza 7 mangwanani dzichivharwa nenguva dza 5 :30 manheru.

Chirongwa chepiri ichi chiri kutarisirwa kupera musi wa 30 mwedzi uno. Chirongwa chekutanga chakaitwa kubva musi wa 01 Kukadzi kusvika musi wa 28 Kukadzi gore rino, asi masangano anoona nezvesarudzo anoti vanhu vakanonyoresa vakanga vari vashoma zvakanyanya pane vaitarisirwa.

Asi vanoona nezvezvirongwa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti vanoona sekunge rwendo rwuno ZEC yakagadzirira zvakakwana zvichienzaniswa nepachikamu chekutanga.

VaBobosibunu vanotiwo vanotarisira kuti vanhu vane huwandu vachabuda kunonyoresa kuvhota rwendo rwuno, vachiti chikamu chekutanga chinogona kunge chakakanganiswa nekuti yaive nguva yekunaya, dzimwe nzvimbo dzaitadza kusvikika.

Vanotiwo chimwe chinogona kuita kuti vanhu vabude vakawanda rwendo rwuno ndechekuti vana vechikoro vari pazororo, izvo zvinogona kuvapa mukana wekunonyoresa kuvhota.

VaBobosibunu vanotiwo sangano ravo richatumirawo vaongorori vavo munzvimbo dzose dzichange dzichinyoreswa vanhu.

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG