Accessibility links

Breaking News

Ukraine neMadzisahwira Ayo Voshoropodza Kurwiswa kweChiteshi cheZvitima neRussia


Munhu akakuwadzwa mukurwiswa neRussia kwechiteshi chechitima chiri muKramatorsk, mudunhu reDonbas kumabvazuva kweUkraine.
Munhu akakuwadzwa mukurwiswa neRussia kwechiteshi chechitima chiri muKramatorsk, mudunhu reDonbas kumabvazuva kweUkraine.

Ukraine nemadzisahwira ayo vari kushoropodza zvakasimba kurwiswa kwenzvimbo inokwirirwa zvitima muUkraine neChishanu, vachipomera Russia mhosva yekuuraya vanhu.

Vakuru-vakuru vekambani yezvitima iri pasi pehurumende yeUkraine vakati vanhu makumi mashanu nevaviri, 52, vakaurayiwa, kusanganisira vana vashanu, uye vamwe makumi masere nevanomwe vakakuvadzwa pachiteshi chiri muguta riri kumabvazuva kwe Ukraine reKramatorsk chaishandiswa kuburitsa vanhuwo zvavo vari kutiza hondo kuvaendesa kusina njodzi.

Mutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zeleskyy vakati chiitiko ichi chakaitwa maune kuuraya vanhuwo zvavo, vachiti zvakaratidza kuti mauto eRussia haana chivindi chekumisidzana nemauto eUkraine kuhondo, saka ave kuparadza vanhuwo zvavo.

Vakati Ukraine ichaita zvose kuona kuti ndiani akaita chipi panguva ipi kusvika vave kuziva zvese zvakaitika nevakazvikonzeresa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG