Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weChimwe Chikwata cheMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, Vanoti Vave Nhengo yebato reCCC Rinotungamirirwa naVaChamisa


Mwedzi wapera Muzvare Khupe vakaudza vatori venhau kuti vaitsigira bato reCCC musarudzo dzema by-election dzakaitwa musi wa 26 Kurume.
Mwedzi wapera Muzvare Khupe vakaudza vatori venhau kuti vaitsigira bato reCCC musarudzo dzema by-election dzakaitwa musi wa 26 Kurume.

Vanga vari mutungamiri wechimwe chikwata chebato reMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vanonzi vasiya bato ravo vachipinda mubato reCitizens Coalition for Change rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

Izvi zvabuda mushure mekupinda kwaita Muzvare Khupe mumusangano waitwa nemutungamiri weCCC, VaChamisa nenhengo dzebato ravo mudunhu reBulawayo vachidzitenda nekuvhota kwadzakaita musarudzo dzakabva kuitwa dzema by-election pamwe nekukorokotedza vakakunda musarudzo dzakaitwa mwedzi wapera idzi.

Asi zvinonzi pamboita mhirizhonga mumusangano uyu apo dzimwe nhengo dzeCitizens' Coalition for Change dzanga dzichiramidza kuti Muzvare Khupe vabude mumusangano uyu, dzichiti wanga uri wedunhu reBulawayo chete, kwete kuti wemunhu wese.

Asi VaChamisa vanonzi ndivo vazopodza mhirizhonga nekukugunun'una kwenhengo dzavo uku, izvo zvazoita kuti Muzvare Khupe vazobvumidzwa kupinda.

Mumwe anga ari mumusangano uyu asina kuda kudomwa nezita sezvo asiri mutauriri wedunhu, audza Studio 7 kuti VaChamisa vaudza musangano uyu kuti nhengo dzebato ravo dzinofanirwa kutambira munhu wese sezvo bato ravo riri idzva.

Asi mutauriri waMuzvare Khupe, VaNtando Ndlovu, vanoti havana kuona kana kunzwa nezvemhirizhonga yekuti Muzvare Khupe vanga vachirambidzwa kupinda mumusangano uyu, vachiti Muzvare Khupe vatambirwa zvakanaka kwazvo.

"Izvozvo isisu hatina kuzviona. Even kana mukuru wedu President Chamisa varatidza kufara zvakanyanya."

Panyaya yekuti zvave kureva here kuti Muzvare Khupe havachisina bato ravanotungamira reMDC-T vave nhengo yeCitizens Coalition for Change, VaNdlovu vanoti, "Izvi zvave kureva kuti Doctor Khupe ari member yeCCC inotungamirirwa naAdvocate Nelson Chamisa. Zvinoreva kuti zvose zviri kuitika zviri kuitika pasi pebato reCCC. Hatina bato reMDC-T, ratovigwa."

Hurukuro naVaNtando Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri weCitizens’ Coalition for Change mudunhu reBulawayo, VaSwithern Chirowodza, vanoti musangano waitwa kuMcDonald Hall muBulawayo uyu wanga ungori musangano wenhengo dzedunhu chete, kwete weveruzhinji.

Vanoti sezvo uyu wanga uri musangano wedunhu, kuzopinda kwazoita Muzvare Khupe ivo vasiri nhengo yedunhu ndiko kwatsamwisa dzimwe nhengo dzanga dzichiti vaburitswe mumusangano uyu kusvika VaChamisa vazodzikamisa nhengo dzavo.

Mumwe anga ari mumusangano uyu asina kuda kudomwa nezita sezvo asiri mutauriri wedunhu, audza Studio 7 kuti VaChamisa vaudza musangano uyu kuti vanofanirwa kutambira munhu wese sezvo vari bato idzva.

VaChirowodza havana kuda kubuda pachena kuti vatsigire mashoko aVaNdlovu ekuti Muzvare Khupe vave nhengo yebato reCCC, vachiti vari kutaura vakamirira Muzvare Khupe kana vari nhengo yebato ravo vanofanirwa kuziva muronga unofambiswa nawo mashoko mudunhu mavo.

“Kana uyo ari kunzi mutairiri waMuzvare Thokozani Khupe ari nhengo yeCitizens’ Coalition for Change, anoziva tsika yedu yekuti province yeBulawayo ine mutauriri mumwechete, ane vanomuteedzera. Saka kana ari munhu weCitizen’s Coalition for Change anofanirwa kunge achiziva mutemo unenge urimo mumusangano. Hatitenderi kuti munhu wese ange achitaura nevatori venhau nekuti zvinoita kuti hurongwa husamire zvakanaka,” VaChirowodza vanodaro.

Pakupindura mubvunzo wekuti Muzvare Khupe vatambirwa here kuve nhengo yebato re CCC, VaChirowodza havana kuda kubuda pachena, vachiti Muzvare Khupe vaudza vega vatori nenhau kuti vave nhengo yebato reCCC isina chigaro.

“Mai Khupe vataurira vatapi venhau and zvinhu zviripo padandemutande kuti Mai Khupe vati iwo vave nhengo yeCitizens’ Coalition for Change asi isina chigaro. Ndozvavapa kuvatapi venhau,” VaChiroodza vanotsanangura.

Mwedzi wapera Muzvare Khupe vakaudza vatori venhau kuti vaikurudzira vatsigiri vavo kuti vavhotere nhengo dzebato reCCC musarudzo dzema by-election dzakaitwa musi wa 26 Kurume.

Hurukuro naVaSwithern Chirowodza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG