Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Chishanu, Kubvumbi 8,2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mamwe makurukota ehurumende yeSouth Africa otungamira musangano wekuedza kutsvaga kugarisana nerunyararo mu Diepsloot, South Africa, zvichitevera kupondwa kwechizvarwa cheZimbabwe, VaElvis Nyathi, nezvizvarwa zveSouth Africa zviri kupomera vekune dzimwe nyika mhosva yekupara dzimhosva munharaunda iyi.

Vemapato anopikisa pamwe nevemasangano anorwira kodzero dzevanhu voshoropodza hurumende nedanho rayakatora rekusatsigira kuti Russia idzingwe mugungano reUnited Nations Human Rights Council zvichitevera kupinda kwayo nechisimba muUkraine pamusangano wakaitwa nezuro.

Mhuri yevaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, inoti inotsigira kupinda kwemwanakomana wavo mukuru, Robert Mugabe Junior, mune zvematongerwo enyika.

Dare re Senate remuAmerica rinovhota richitambira mutongi wematare Amai Ketani Brown Jackson semutongi wedare repamusorosoro, re Supreme Court, zvaita kuti vave mutongi wechidzimai wekutanga kupinda mudare iri munhoroondo yeAmerica.

Sangano rinoona nezvekuverengwa kwevanhu reStatistics Botswana rokurudzira vabvakure vanogara munyika iyi kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe kupindira mukuverengwa kwevanhu kuri kuitwa munyika iyi pari zvino.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vaviri vakafa ne Covid-19, uye vamwe makumi matanhatu nevanomwe kana kuti 67, vakawanikwa vaine denda iri nezuro wakare.

Vamwe vagari mudunhu reMashonaland West vanoti vari kurasikirwa zvikuru nemombe dzavo dziri kufa nezvirwere nekuda kwekushayikwa kwemushonga wekudhibhisa mombe idzi.

Vateveri vemutambo we rugby vatarisana nemachikichori emitambo panguva iyo munhabvu Dynamos iri munzira kuenda kumaruwa eMhondoro - Ngezi.

Muchirongwa chedu chanhasi cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuzvizvarwa zveZimbabwe nekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa umo zviri kurwiswa nezvizvarwa zvenyika iyi, uye zviri kuitika kuhondo iripakati peRussia neUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG