Accessibility links

Breaking News

Mhuri yekwaMugabe Inoti Inotsigira Kupinda Mune zveMatongerwo eNyika kwaRobert Mugabe Jnr.


Mwanakomana wevaive mutungamiri wenyika, mushakabvu VatRobert Mugabe, Robert Jnr anonzi ane makomborero emhuri ekuti apinde mune zvematongerwo enyika

Mhuri yevaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, inoti inotsigira kupinda kwemwanakomana wavo Robert Junior munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutauriri wemhuri uye vari muzukuru waVaMugabe, VaLeo Mugabe, vanoti vanotsigira kupinda mune zvematongerwo enyika kwaRobert Jnr., vachiti havana kubvira vamboita dambudziko nemusangano weZanu PF, asi nevanhu vakapidigura hurumende yaVaMugabe.

VaLeo Mugabe vanoti kunyange VaMugabe vakafa vakagumbukira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, avo vakavatorera masimba nechisimba, nyaya iyi yakapera nekufa kwavo, vachiti zvakaitika zvakapera.

VaLeo Mugabe vanoti bato reZanu PF harisi remunhu nekudaro nhengo dzemhuri yavo dzinogonawo kupinda nekutora zvigaro mubato iri.

Kutaura kwaVaLeo Mugabe kunotevera kuenda kwakaita Robert Jnr kumusangano weZanu PF wakaitirwa kuChitungwiza apo VaMnangagwa vaitsvagira rutsigiro nhengo dzavo pamberi pesarudzo dzema by-elections dzakaita musi wa26 Kurume.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube, vanoti kupinda kwevana vevatungamiri vezvematongerwo enyika mune zvematongerwo enyika kuri paviri.

VaDube vanoti kupinda kwemwana waVaMugabe munyaya dzezvematongerwo enyika kuri kukonzerwa nevanhu vari kuda kuita sevaifarira VaMugabe asi vari ivo vakavashungurudza kusvika vafa.

Patavabvunza kuti inga wani vana vevaimbove mutungamiri webato ravo VaMorgan Tsvangirai vakapihwa zvigaro, VaDube vanoti vana vaVaTsvangirai vakaita zvematongerwo enyika nekuda kwemhodzi yeshanduko yakadyarwa nababa vavo, kwete zvekushandiswa.

Mukuru wePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku vanoti nyaya dzekuti vana vevatungamiri venyika vapinde mune zvematongerwo enyika chinhu chinoitika zvakanyanya munyika dzemu Africa, vachiti zvakaitika kunyika dzakaita seKenya, Botswana, South Africa nedzimwe.

VaMadhuku vanoti chakakosha ndechekuti vana ava vane kodzero semunhu wese munyika kuita zvematongerwo enyika.

Zvinonziwo mwana waVaMnangagwa, Kudakwashe David, ari kuda kupindawo munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutauriri weZanu PF, VaChrsitopher Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti vanofara kwazvo kana vana vemagamba ehondo vachipinda mune zvematongerwo enyika kuchengetedza nhaka yavo.

Mune dzimwe nyika, vatungamiri venyika pamwe nevamwe vanenge vari mumasimba mune zvematongerwo enyika vanopinza vana vavo mune zvematongerwo enyika senzira yekuchengetedza nayo hupfumi hwavanenge vaunganidza, kuitira kana vakazosiya masimba.

NYAYA INA NUNURAI JENA
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG