Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa neVanorwira Kodzero dzeVanhu Voshora Hurumende neKutsigira Russia paVhoti yeUNGA


Zimbabwe ndeimwe yenyika dzakavhota dzichitsigira Russia kuti isadzingwa muUnited Nations Human Rights Council kumusangano weUNGA
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzakavhota dzichitsigira Russia kuti isadzingwa muUnited Nations Human Rights Council kumusangano weUNGA

Mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira ashora hurumende nekutsigira kwayakaita Russia pavhoti yakaitwa nemusi weChina pamusangano weUnited Nations General Assembly wekudzinga Russia musangano reUnited Nations Human Rights Council nekuda kwekuponda nekutyora kodzero dzevanhu muUkraine.

Kunyange hazvo Zimbabwe yakavhota ichipikisa danho iri, Russia yakadzingwa zvakadaro mushure mekunge nyika makumi mapfumbamwe nenhatu dzavhota dzichitsigira danho iri. Nyika makumi mashanu nesere hadzina kuvhota uye makumi maviri neina kusanganisira Zimbabwe neChina dzakavhota dzichipikisa danho iri.

Zimbabwe ndiyo yega muSADC yakapikisa kudzingwa kweRussia uye izvi hazvina kufadza mapato anopikisa ayo anoti zvinoratidza kuti hurumende haikoshese kodzero dzevanhu.

Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Advocate Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti vaitarisira kuti Zimbabwe yaifanira kuvhota zvinoratidza kuti inokoshesa kodzero dzevanhu.

Vati maitiro ehurumende anoratidza kuti haikoshesi kodzero dzevanhu uye ndosaka vanhu vachifanira kuvhotera shanduko muna 2023.

Mutungamiriri webato reDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, zvakare vachiongorora zvematongerwo enyika, vanoti Zimbabwe yabviswa chimiro nemavhotero akaita hurumende kuUNGA nezmusi weChina

Sachigaro wemubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira pasi peCrisis In Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vanoti havana kushamisika nedanho rakatorwa neZimbabwe nekuti nyika dzakaita seRussia neChina ndidzo dzinoitsigira kana yapinda parumana nzombe.

Vanotiwo zvakaitwa neZimbabwe ndezvimwe zvinoratidza kuti hurumende haisi kurevesa kana ichiti inoda kudyidzana nenyika dzepasi rese.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vanoti Zimbabwe neRussia dzine hushamwari hwakasimba kubvira nguva yehondo uye zviri pachena kuti sei yakatsigira Russia.

Mumwe mugari wemuHarare, VaOwen Dhliwayo, vaudza Studio 7 kuti nyika dzemuAfrica neSADC dzisina kuvhota dziri kuita hwenya kwese nekuti dzinoda kudya kuRussia nenyika dzekumavirira dzakaita seUnited States, Britaina France nedzimwe dzakavhota kudzinga Russia.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika, vachishanda kuAfrica University, Dr Wellingtom Gadzikwa, vaudza Studio 7 kuti mavhotero akaita Zimbabwe anogona kuikanganisa sezvo iri kuda kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzakaita seAmerica.

Vatiwo Zimbabwe inogna kuomeserwawo nenyika dzayakapikisana nadzo muvhoti yanezuro iyi.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Vafrederick Shava vanoti Zimbabwe yakatora danho iri nekuti hakuna nyika ine kodzero yekudzinga vamwe musangano iri.

Muna 2008 Russia neChina dzakamisa United Nations kutemera Zimbabwe zvirango pamusoro pekuita sarudzo dzine mhirozhonga pamwe nekutyora kodzero dzevanhu.

Nyika dzakawanda muAfrica dzakatsigirwa neRussia neChina pahondo yadzo yerusununguko uye kusvika nhasi dzine hukama hwakasimba nenyika idzi.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti izvi ndizvo zvakaita kuti nyika zhinji dzemuAfrica dzisavhota nezuro uyewo dzimwe dzakaita seZimbabwe, Algeria, Burundi neEthopia dzitsigire Russia.

NYAYA INA GODWIN MANGUDYA
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG