Accessibility links

Breaking News

Makurukota emuSouth Africa Anosangana neVagari vemuDiepsloot Pamusoro peKurwiswa kweZvizvarwa zveKune Dzimwe Nyika


Gurukota rinoona nezvemapurisa muSouth Africa, VaBheki Cele ndemumwe wemakurukota apinda mumusangano nevagari vemuDiepsloot, muJohannesburg, South Africa.
Gurukota rinoona nezvemapurisa muSouth Africa, VaBheki Cele ndemumwe wemakurukota apinda mumusangano nevagari vemuDiepsloot, muJohannesburg, South Africa.

Makurukota ehurumende yeSouth Africa pamwe nemapurisa vaita musangano nevagari vemumusha weDiepsloot, muJohannesburg, South Africa zvichitevera kufa kwechizvarwa cheZimbabwe, VaElvis Nyathi, avo vakapondwa nezvizvarwa zveSouth Africa svondo rino, izvo zviri kupomera zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mhosva dzakasiyanasiyana munzvimbo iyi.

Mumusangano uyu, uyo unonzi wanga uine hukasha kubva kumapoka maviri ezvizvarwa zveSouth Africa nezvekunze kwenyika, zvizvarwa zveSouth Africa zvinonzi zvakurudzira kuti zvizvarwa zvese zvekune dzimwe nyika, zvikuru vekuZimbabwe, vabude mumusha uyu zvichiti vari kupara mhosva dzakasiyanasiyana dzinosanganisira dzekuponda.

Makurukota anonzi apinda mumusangano uyu anosanganisira gurukota rezvemapurisa mu south Africa, VaBheki Cele, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa VaAaron Motsoaledi, pamwe nemutungamiri wedunhu re Gauteng VaDavid Makhura.

VaNyathi vanonzi vakafa vachiita zvekutemwa nematombo vasati vapiswa nemoto nemusi weChitatu.

Zvizvarwa zveSouth Africa zvinonzi zvakatanga kuratidzira zvichiti hazvisi kufara kuti mapurisa enyika iyi haasi kusunga vekunze vanonzi vari kutyora mutemo munyika iyi.

Izvi zvinotevera kupondwa kwevanhu vasere vakapfurwa nepfuti mazuva adarika nematsotsi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG