Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chobatsira Vapoteri Vari Kutiza Hondo kuUkraine


VaAleck Bvumbura mutungamiri wesangano re Cross Culture International Foundation
VaAleck Bvumbura mutungamiri wesangano re Cross Culture International Foundation

United Nations yakavhota nemusi weChina kumbomisa Russia kuva nhengo yekanzuru inoona nezvekodzero dzevanhu yeHuman Rights Commission. Nyika iyi ndiyo nyika yekutanga panyika shanu dzine masimba akawandisa kuUnited Nations kumbomiswa kuva nhengo yekomisheni iyi.

Mauto emuRussia ri kupomerwa mhosva yekuponda vanhuwo zvavo muUkraine iyo nyika iyi iri kuyedza kupamba. United Nations inoti vanhu mamiriyoni gumi vamanikidzwa kuendsa muhupoteri munyika yeUkraine nekunze. Izvi zvasiya vakawanda vachida rubatsiro.

Mumwe ari kubatsira vapoteri ava chizvarwa cheZimbabwe VaAlec Bvumbura vanogara kuMalta uye vakavamba sangano rakazvimirira reCross Culture International Foundation vanoti vamboenda pamuganhu weUkraine neRomania kunobatsira vapoteri.

"Tiri kubatsira vapoteri vari kutiza hondo yemu Ukraine ne vagari vemunyika iyi ne chikafu nemishonga izvo ziri kushomeka parizvino." VaBvumbuta vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vehurumende yeAmerica nenyika dziri mugungano reEuropean Union vanoti vatemera Russia zvirango zvitsva zvinosanganisirawo vana vaviri vasikana vemutungamiri wenyika iyi VaVladimir Putin.

Makambani anodyidzana nevana VaVaPutin aiswa pazvirango kutanga nemusi weChina.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vati nyika yavo ichishanda nevainodyidzana nayo icharamba ichisimbaradza kuranga VaPutin nenyika yavo.

Muzinda weWhite House muAmerica unoti nyaya yekuponda vanhu nekuvaitazve kafiramberi iri kupomerwa mauto eRussia mumadhorobha akaita seBucha pedyo neguta guru renyika iyi reKyiv ndiyo iri kupa kuti itemerwe zvirango. Asi Russia iri kuramba kuti mauto ayo akaponda vanhuwo zvavo muUkraine.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG