Accessibility links

Breaking News

Vanasikana VaVaPutin Votemerwa Zvirango neAmerica neEU


Mwanasikana waVaPutin Katerina
Mwanasikana waVaPutin Katerina

Vehurumende yeAmerica nenyika dziri mugungano reEuropean Union vanoti vatemera Russia zvirango zvitsva zvinosanganisirawo vana vaviri vasikana vemutungamiri wenyika iyi VaVladimir Putin. Vanasikana VaVaPutin vatemerwa zvirango ndi Maria Voronstova na Katerina Tikhonova.

Makambani anodyidzana nevana vaVaPutin aiswa pazvirango kutanga nhasi. Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vati nyika yavo ichishanda nevainodyidzana nayo vacharamba vachisimbaradza kuranga VaPutin nenyika yavo.

Muzinda weWhite House muAmerica unoti nyaya yekuponda vanhu nekuvaitazve kafiramberi iri kupomerwa mauto eRussia mumadhorobha akaita seBucha pedyo neguta guru renyika iyi reKyiv ndiyo iri kupa kuti itemerwe zvirango. Asi Russia iri kuramba kuti mauto ayo akaponda vanhuwo zvavo muUkraine.

America yatiwo iri kutemera zvirango bhanga guru renyika yeRussia reSberbank uye rimwe guru munyika iyi kudarika mamwe rakazvimirira reAlfa Bank. Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia VaSergey Lavrov nemudzimai wavo nemwanasikana vatemerwawo zvirango neAmerica.

Russia inonzi iri kutemerwawo zvirango zvichapa kuti itadze kubhadhara zvikwereti nemari yayo iri mumabhanga kana makambani ari muAmerica. VaBiden vanoti zvirango izvi zvichadzosera hupfumi hweRussia kumashure nemakore gumi nemashanu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG