Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yotakura Marara Mushure Mekuvhundutswa neMasamanisi neMagweta


Marare muguta reHarare
Marare muguta reHarare

Kanzuru yeHarare yatanga kutakura marara mune dzimwe nzvimbo dzeguta mushure mekunge magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, anyorera kuna mabharani wekanzuru iyi achiti aizoendesa kanzuru kumatare edzimhosva kana ichinge yatadza kutakura marara muguta mukati memaawa makumi maviri nemana.

Mutsamba yavo magweta eZHLR akati marara ainge akazara munzvimbo zhinji muguta uye aisemesa pamwe nekupinza hutano hwevanhu munjodzi.

Magweta aya akati kanzuru yainge iri kutadza basa rayo nekusatakura marara nekudaro vakaipa maawa makumi maviri nemana ekubvisa marara aya achiti aizokwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva kuti kanzuru yeHarare irangwe.

Asi mushure mekugashira tsamba iyi nezuro, vakafanobata chigaro chameya weHarare, VaSterwart Mtizwa, vati vakabva vatotanga kutakura marara muzvimbo dzainge dzataurwa nemagwata eZLHR.

Vaenderera mamberi vachiti kunze kwenzvimbo dzakataurwa nemagweta dzakaita seAvenues, kanzuru iri kutakurawo marara mumisha inogara vazhinji yakaita seMbare neGlen View

Asi vati vagari vemuguta vave nekatsika kakashata kekurasira marara pese pese.

Rimwe remagweta ange achimirira ZLHR, VaPaidamoyo Saurombe, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti kanzuru yatanga kutakura marara munzvimbo dzavange vachigun’una nadzo.

VaSaurombe vati vambomira kuenda kumatare uye vave kutarisira kuti kanzuru icharamba ichitakura marara munzvimbo dzese muguta vachiti mune ramangwana, vachangoenda kumatare vasina kupa yambiro kana kanzuru ikatadza kuita basa rayo sezvinotarisirwa nevagari.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa mune rimwe sangano rinomirira vagari, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vati dambudziko remarara rakatekeshera neguta rese uye zvinosuwisa kuti kanzuru inoda kurangaridzwa kuita basa rayo nemagweta.

VaAkili vatiwo zvinoshamisa kuti kanzuru haikoshesi kutakura marara vachiti nguva nenguva kanzuru inogaro taura kuti haina mafuta ekufambisa dzimotokari kana kuti mota dzacho dzakafa.

Vamwewo vakaita saAmai Anesu Phiri avo vanotengesa mumugwagwa vaudza Studio 7 kuti zvinoshamisa kuti kanzuru inowana mafuta ekuswera ichivatandisa mumigwagwa asi vasingatakure marara.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG