WASHINGTON —
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, vari mumwe muteereri mukuru weStudio 7, Mufundisi Richard Moyo, vakatsikisa kambo kavo kanonzi 'STUDIO7' kekutenda nhepfenyuro yeStudio 7, vashamarari vayo pamwe nevateereri vose.
Mufundisi Moyo vanoti chakaita kuti vasvike pakunyora kambo aka inyaya yekuona basa riri kuitwa nevashamarari veStudio 7 kubva gore ra 2006 ravakatanga kuziva nhepfenyuro iyi mushure mekuiziviswa nemuzukuru wavo kusvika nhasi, iro vanoti harisi kudzokera shure.
Vanotiwo vanofadzwa nekuzvipira kwavanoona muvashandi veStudio 7, avo vanopinda pakagozha kuti vakwanise kupa vateereri nhau dzine hudzamu. Vanotiwo aka hakasi kambo kavo kekutanga, sezvo vakambotsikisa dzimwe nziyo pamashure apo.
Facebook Forum