Accessibility links

Breaking News

United Nations Yozeya Mhosva dzeHondo Dziri Kupomerwa Russia kuUkraine


Mutumbi wemunhu anonzi akaurayiwa nemauto eRussia kuBucha pedyo neKyiv, Ukraine,
Mutumbi wemunhu anonzi akaurayiwa nemauto eRussia kuBucha pedyo neKyiv, Ukraine,

United Nations Security Council yaita musangano kumuzinda wayo kuNew York kuti izeye nyaya iri kupomerwa mauto emuRussia yekuuraya vanhuwo zvavo muUkraine. Vataura vanosanganisira munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres, mukuru munyaya dzezvemagariro evanhu VaMartin Griffiths uye mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy.

VaZelensky vati United Nations inofanira kutora matanho zvichitevera kupondwa kunonzi kwakaitwa vanhuwo zvavo nemauto eRussia mudhorobha reBucha riri pedyo neguta guru renyika iyi reKyiv.

Vati vanhu vanodarika mazana matatu vakaurayiwa muBucha vamwe vachinge vaitwa kafiramberi.

Russia iri kuramba kuti mauto ayo akaponda vanhu mudhorobha reBucha kunyangwe paine vakawanda kusanganisira nyanzvi munyaya dzemasatellites dziri kuti dzine humbowo hwakakwana.

Ukraine inonzi yakwanisa kutora kubva kuRussia nzvimnbo dziri pedyo neguta guru renyika iyi Kyiv uye reChernihiv. Russia inonzi yave kurwisa zvakasimba matunhu anoti Donetsk ne Luhansk.

Dzimwe nyika dzakaita se Italy, Denmark, Lithuania, France ne Germany dzadzingawo vamiriri veRussia munyika madzo nenyaya yekurwisa Ukraine iyi. Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakatiwo zviri pachena kuti mutungamiri weRussia VaVladimir Putin vari kupara mhosva dzehondo nezvinonzi zviri kuita mauto avo zvekuponda vanhuwo zvavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti United Nations Security Council pariazvino imbwa isina meno inofanira kuvandudzwa nekuti chero nyika imwe chete panyika shanu dzakabudirira dzinoti China, Russia, America, Britain neFrance dzinogona kungovhota kuti pavatorwe matanho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG