Accessibility links

Breaking News

Vatenderi veChiMuslim Vocherechedza Ramadan


Mecca, Saudi Arabia
Mecca, Saudi Arabia

Vatenderi vechiMuslim pasi rese, kusanganisira muZimbabwe, vari kucherechedza mwedzi weRamadan vachitsanya, kunamata zvakasimba pamwe nekupa vanotambura.

Ramadan mwedzi wakakosha zvikuru pachitendero cheIslam uye gore rino wakatanga musi wa2 Kubvumbi uchipera musi wa1 Chivabvu.

Ramadan mwedzi wechipfumbamwe pakarenda remaMuslim uye mwedzi, uyo vatenderi vechiIslam vano tsanya, kunamata zvakasimba, kuregerera pamwe nekuwana makomborero kubva kumusiki.

Panguva yeRamadan, vatenderi vechiIslam havadye kana kunwa chinhu kubva panobuda zuva kusvika parino vira kwemwedzi wese.

Sheik Majidu Adini vanoti mwedzi weRamadan wakatanga kucherechedzwa apo pakadzika bhuku ravo rechitendero reQurun.

Vanoti kunyange hazvo vachitsanya nekunamata dzimwe nguva, paRamadan vanoita izvi zvakanyanya.

Vanotiwo kunze kweku namata nekutsanya nguva mwedzi weRamadan inguvawo yekuregererana.

Vaenderera mberi vachiti, Ramadan ndiyo nguva apo mwari vanobviswa marwadzo kuvatadzi.

Mutungamiriri weIslamic Supreme Council of Zimbabwe Sheik Ishmael Duwa vanoti Ramadan mwedzi wemakomborero akanyanya.

Ramadan ndechimwe chezvinhu zvakakosha pachitendero cheIslam zvinosanganisira kutenda kunaMwari nekuti muporofita Muhammed aiva mutumwa waMwari,kunamata kashanu pazuva, pamwe nekupa chegumi kana kuti Zakat.

Ramadan inocherechedzwa pasi rese nevatenderi vechiIslam asi vana vadiki, vanhu vanopenga, vanorwara kana vakwegura havacherechedzi mwedzi uyu.

Sheik Duwa na Sheik Adini vati vanofara chose kuti Ramadan yegore riono inouuya apo vanhu vave kubvumidzwa kuungana.

Vati kwasara mazuva matatu kuti Ramadan ipere vanoungana vachinamata pamwe munvimbo dzavo dzekunamatira kana kuti maMosque.

Kunyange hazvo masangano echiIslam munyika achiti muZimbabwe mune vanhu miriyoni nemazana maviri vechitendero cheIslam, nyanzvi munyaya dzezvitendero dzinoti vanhu vechitendero ichi vanodarika zana rezviuru nechidimbu.

Nyanzvi idzi dzinotiwo vechidiki vakawanda vave kuteera chitendero ichi nekuda kwemabhezari anovanopihwa kuonita zvidzidzo kune dzimwe nyika dzine chitendero ichi kuMiddle East.

Gwaro reGlobal Religious Landscape rakaburitswa nePew Research Centre Forum on Religion and Public Life muna 2012 rinoti pasi rese vatenderi vechiIslam vanodarika bhiriyoni nezviuru mazana matanhatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG