Accessibility links

Breaking News

CCC Yomiririrwa Mudare reParamende Kekutanga


VaNelson Chamisa mutungamiri weCCC
VaNelson Chamisa mutungamiri weCCC

Dare reparamende nhasi ratoresa mhiko nhengo makumi maviri nevasere dzakakunda musarudzo dzemaby-elections dzakaitwa mwedzi wapera panguva iyo mabasa ekanzuru yeHarare omira nekuda kwekusavepo kwemakanzura anotarisirwa kuti guta riite misangano.

Kubato idzva richangoumbwa reCitizens Coalition for Change, ava ndivo vamiriri vekutanga kupindsa mudare reparaende. Nhengo dzakawanda dzatora mhiko idzii dzainge dzadzingwa nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC T VaDouglas Mwonzora dzichinzi dzaitsigira VaNelson Chamisa vave kutungamirira CCC.

Nhengo dzedare reparamende idzi dzatora mhiko nhasi mushure mekukunda musarudzo dzakaitwa musi wa26 Kurume. Mumwe wevatora mhiko ndiVaPrince Dubeko Sibanda vanova nhengo yeCitizens Coalition for Change kuBinga North.

VaSibanda vati vanofara zvikuru nekudzoka kwavo kudare reparamende vachiti basa guru ravachange vachiita inyaya yekusimudzira kodzero yedzidzo, yehutano pamwe nekuvandudzwa kwemitemo yesarudzo nezvimwewo

Vachitaurawo neStudio 7, mukuru mubazi rezvekuburiitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati vari kukurudzira vakasarudzwa pasi pebato ravo kuti vapote vachidzokera kuvanhu vakavavhotera.

Kunyangwe hazvo nhengo dzedare reparamende dzatora mhiko nhasi, makanzura akasarudzwa kumirira nzvimbo dzakasiyana-siyana muHarare achakamirira kutora mhiko huyewo misangano yekanzuru yotadza kuenderera mberi.

Nhasi kange kari kechitatu apo kanzuru yeHarare yakundikana kuita musangano wwayo sezvinotarisirwa . Vakafanobata chigaro cheanoona nezvekufambiswa kwemabasa kana kuti Chamber Secretary mukanzuru VaWarren Chiwawa vati panga pasina makanzura akakwana anotarisirwa nemutemo kuti vave varipo.

Mumwe kanzura weguta reHarare vebato reZanu-PF VaMartin Matinyanya vanomiririra Ward 4 muMbare, avo vange vachidya magaka mambishi nekutadza kuitwa kwemusangano wanhasi vati zviri kuitika zvirikukanganisa mabasa ekanzuru . Vatiwo zvirikusiyawo vagari vemuguta vasiri kukwanisa kuwana zvinodiwa kubva kukanzuru.

Izvi zvatsigirwawo nakanzura VaZivai Mhetu vatiwo varikushushukana zvikuru nekutadza kwemisangano yavo izvo zvomisa zvinhu mukanzuru.

Kanzura wekuWard 5, kuBelvedere, Amai Media Mudariki vatiwo kanzuru irikutadza kuita mabasa anotarisirwa nevagari nekuda kwekuti makanzura anofanirwa kusunga zvisungo pamwe nekutara mashandisirwo emari haasi kukwanisa kusangana.

Asi mamwe makanzura asina kuda kudomwa nemazita anoti vasiri kuuya kumisangano yekanzuru iyi ndeavo vanotsigira bato idzva reCitizens Coalition for Change vachinzi vakamirira kuti nhengo dzebato iri dzakakunda musarudzo dzemaby-elections dzitoreswe mhiko.

Asi mutevedzeri wemutauriri weCCC vaOstallos Siziba vati havanei nenyonga-nyonga iri kuitika kukanzuru.

Vachibvunzwa neStudio7 kuti makanzura matsva aya achatora mhiko rinhi, VaChiwawa vati vanga vakamirira tsamba inobva kuZimbabwe Electoral Commission (ZEC) inovazivisa vakakunda vakati tsamba iyi vanga vaitambira nhasi nekudaro vachasangana nameya weHarare, VaStewart Mutiza kuti kuiswe hurongwa hwekuti vakakunda ava vatoreswe mhiko.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG