Accessibility links

Breaking News

RBZ Inokwidza Miripo yeZvikwereti kuMabhanga, Danho Rinonzi neVamwe Richaomesera veMabhizimusi Zvakanyanya


Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dzinotambira danho rakatorwa nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, rekudzikamisa kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation, kuburikidza nekudzika matanho akasiyanasiyana anosanganisira kukwidza mitero inoripirwa pamari dzinenge dzakweretwa kumabhanga pagore.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti matanho eRBZ aya kuteya nzou nerihwa, sezvo pasina chinobuda.

Gavhuna veRBZ, VaJohn Mangudya, vakazivisa neMuvhuro kuti bhanga ravo rakanga rakwidza miripo yezvikwereti zvekumabhanga kubva pazvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuenda pazvikamu makumi masere kubva uzana.

Rimwe danho ravakazivisa nderekuedza kuparadza musika mutema wemari yekunze kuburikidza nekusunungura musika wemari yekunze nekubvumidza mabhanga kuti atenge pamwe nekutengesa mari yekunze nemutengo waanenge awirirana nebhanga guru renyika.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaProsper Chitambara, vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, vanoti kukwidzwa kwemiripo yekumabhanga zvinhu zvavagara vachitarisira sezvo mitengo yezvinhu kana kuti inflation yanga iri kungoita chamurambamhuru.

Asi VaChitambara vanotiwo neimwe nzira zvinokanganisa vanenge vakakwereta mari kumabhanga, sezvo mari dzavenenge vave kuripira pazvikwereti zvavo dzichange dzakwirawo.

Panyaya yekuti mabhanga ange achitenga nekutengesa mari yekunze ipo paine musika wemari yekunze weReserve Bank of Zimbabwe auction floor, imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti iri idanho rakanakawo chose vachiti zvekuti hurumende ive iyo inotara mutengo wemari yekunze zvanga zvisiri kushanda.

Asi Muzvinafundo Mugano vanoti pachave nedambudziko rekuti nyika inenge yave nemitengo miviri yemari yekunze iri pamutemo, wehurumende weReserve Bank of Zimbabwe, kwotiwo wekumabhanga, izvo vanoti hazvigoneki kuti munhu apinde zvitendero zviviri nguva imwechete.

Ukuwo, imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti havawirirane nedanho rekukwidza miripo yekumabhanga zvichizoomesera zvikuru vemabhizimusi, avo vavanoti vari kunetseka kuwana mari dzekushandisa mumabasa avo, izvo zvinozoita kuti vamhanyire kumabhanga.

Asi matanho aya anogadzirisa matambudziko akatarisana nehupfumi hwenyika here? VaChitambara vanobvumirana nevamwe vari kuti danho reRBZ iri kutobvuma kuti dhora remunyika rakundikana.

Mamwe matanho akatorwa neRBZ anosanganisira kudzikisa tarisiro yekukura kwehupfumi hwenyika kubva pazvikamu zvinomwe nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 7.5 %, kudzika kuenda pazvikamu zvishanu kubva muzana kana kuti 5 percent pakupera kwaChikunguru.

Vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti kukwidzwa kwemiripo yekumabhanga uku kuchaita kuti Zimbabwe ive nyika ine muripo wezvikereti zvekumabhanga kana kuti bank interest rate yakakurisisa pasi rose.

Vamwewo ndivo vanoti totenda maruva tadya chakata, vachiti hurumende yazivisa nezvematanho ekugadzirisa hupfumi hwenyika kakawanda kwazvo, asi pasina michero inobuda mazviri.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG