Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMasvingo Yopomerwa Mhosva Yekuita Zano Ndega Pakushandiswa kweMari


Meya weMasvingo VaCollen Maboke

Komiti yeparamende inoona nezvekutongwa kwematunhu pamwe nevagari vemuMasvingo yashora zvikuru kanzuru yeguta reMasvingo vachiipomera mhosva yekushandisa mari dziri kuendeswa nehurumende kusimudzira matunu kana kuti devolution pasina Kusuma vagary sezvinotarisirwa.

Musangano wanhasi waitwa mushure metsamba yenyunyuto yakanyorwa kukomiti iyi nerimwe sangano rinomiririra vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA) gore rapera richiti harisi kusumwa nezvemari dzekusimudzira matunhu kana kuti devolution inobva kuhurumende.

iri rinoti kanzuru yakashandiswa mari inopfuura mirioni zana yema RTGS, kubva gore ra2019 kusvika parizvino pachirongwa chekuchera nekuisa mapaipi emasuweji asi ivo vakatarisana nedambudziko guru rekushomeka kwemvura mudzimba.

Mumwe mugari wekuwadhi 4, Amai Sungano Zvarebwanashe vati kanzuru iri kuita zano ndega.

Pastor Cover Mugwadi, vanomirira vagari vakaremara vati kanzuru inofanora kupinda mumapoka evagari vane zvido zvakasiyana siyana ichivabvunzawo zvavanoda kuti zviitwe.

Munyori wekanzuru, VaEdward Mukaratirwa, vapokana nevagari nevedare reparamande apo vati vanoshandisa misangano yebhajeti rekanzuru pakupera kwegore kutora pfungwa dzevanhu panyaya yemari yedevolution.

Sachigaro wekomiti yekutongwa kwematunhu muparamende, Amai Miriram Chikukwa, vaudza kanzuru yeMasvingo kuti inofanira kupinda muvanhu yotora pfungwa dzavo pose panouya mari yedevolution nekuti chirongwa chakazvimirira choga.

Mukuru webasa muMURRA, VaAnoziva Muguti, vati vafara nemusangano uyu vachivimba kuti uchabatsira vagary.

Amai Chikukwa vati musangano wafamba zvakanaka uye vave kudzokera kuparamende nezvavawana kuti zvigotaurwa mudare rinenge rine nhengo dzakakwana vozonyora zvisungo zvavo pasi nekupa kurudziro kukanzuru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG