Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Youraya Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Matanhatu (6 million) muZimbabwe Vanhu Vachikurudzirwa Kubaiwa Nhomba


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhombe yeCovid-19 sezvo chirwere ichi chiri kuramba chichivhiringidza nyika dzakawanda. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora nezvekupararira kwechirwere ichi inoti vanhu mamiriyoni matanhatu kana kuti 6 million vafa nechirwere ichi pasi rose.

MuZimbabwe kusvika parizvino mafa vanhu zviuru zvishanu nemazana mana ane makumi mana nevatanhatu kana kuti 5 446 zvichitevera kufa kwevanhu vaviri neMugovera. Vanhu makumi matanhatu nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi munyika neMugovera wakare.

Vanhu zviuru makumi masere nezviviri zvine mazana masere nemakumi mana nevatatu kana kuti 82 843 vakabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga nemusi weMugovera zvasiya vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mana nemakumi mashanu nechimwe zvine mazana manomwe nemakumi masere nevasere kana kuti 5 451 788.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana panopera mwedzi waChikunguru sezviri kukurudzirwa neWorld Health Organization.

Zvichakadaro, kuBritain chirwere ichi chinonzi chadzoka zvine mutsindo uye vanhu mamiriyoni mashanu vabatwa nechirwere ichi zviri kukonzerwa nekamhando katsva keCovid-19 kanonzi omicron stealth kana kuti BA.2 uye vanhu vakawanda vari kuenda kuzvipatara vamwe vachifa.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vanoti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba yeCovid-19 sezvo chirwere ichi chichiramnba chichichinja chinja. WHO inoti vanhu mabhiriyoni gumi nerimwe kana kuti 11 billion vabayiwa nhomba yeCovid-19.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG