Accessibility links

Breaking News

Chicken Inn Inowedzera Mukana Wayo weKutungamira muMakwikwi eNhabvu ePSL


Chicken Inn iri kutungamira gungano reCastle Lager PSL

Chikwata cheChicken Inn chawedzera mukana wacho wekuti chirambe chiri pamusoro petafura yePremier Soccer League panguva iyo Fifa yazivisa mapoka ezvikwata zvakabudirira kuenda kumakundano 2022 FIFA World Cup kuQatar.

Chikwata cheChicken Inn chave nemapoinzi mana pamusoro peDynamos iyo iri kutevera mushure mekuita mangange 3-3 neManica Diamonds muLuveve Stadium nhasi masikati.

Izvi zvauya mushure mekunge chikwata cheZimbabwe chemutambo we hockey chevanhukadzi chichangobva kurohwa 5-0 neUSA kumakundano eWomen’s Junior World Cup ayo ari muSouth Africa.

MaGame Cocks eChicken Inn apinda mumapoinzi makumi maviri nematatu, achiteverwa neDynamos neTriangle idzo dzine mapoinzi gumi nemapfumbamwe.

Dynamos iri kutamba mangwana neBlack Rhinos, zuva rimwechetero Triangle ine Highlanders pamusha payo muGibbo.

Munyori wemutambo wenhabvu Admire Muhimeke anofunga kuti chaunga chevateveri chichabatsira Dynamos kurova Chipembere nekuramba yakasonana neChicken Inn.

Mangange eChicken Inn asangana nekukunda kweFC Platinum iyo yarova Hwahwa 1-0 ndokuenda pachinhanho chechishanu.

Asi Yadah, yashamisa vakawanda nekurova Herentals 2-1, ndokuteverwa neZPC Kariba iyo yadambura Harare City 2-0.

Cranbourne Bullets yatorawo mapoinzi ese nekurova Bulawayo City 1-0.

Mitambo iyi yauya mushure mekunge zvikwata zvemuAfrica nezuro zvakakandwa mumagungano akaoma e2022 World Cup zvichitevera draw yakaitwa neFifa neChishanu kuQatar.

Asi Senegal neGhana zviri mumagungano ari nani mushure mekunge maTeranga Lions aiswa mugungano reGroup A pamwe neEcuador, Qatar neNetherlands.

Ghana iri mugungano reGroup H pamwe nePortugal, Korea, neUruguay, gungano iro veruzhinji vanofunga kuti maBlack Stars anobudirira.

Asi Cameroon ine mutoro wakaoma ne Brazil, Switzerland pamwe neSerbia, kozoti Morocco iine Belgium, Canada neCroatia muGroup F.

Tunisia ine France, Denmark nechikwata chichakunda pamitambo yasara kuAsia.

Hapana chikwata chemuAfrica chati chasvika muma semi fainari emakundano aya.

Cameroon muna 1990, Senegal muna 2002, neGhana muna 2010 dzakagumira muma kotafainari.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG