Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld Autism Vabereki Vane Vana Vane Dambudziko iri Vachichema kuShaikwa kweZvikoro zveKuti Vana Vadzidze


Hurumende iri kukurudzirwa kuti ive nezvikoro zvinobatsira vana vane dambudziko re autism.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti ive nezvikoro zvinobatsira vana vane dambudziko re autism.

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reWorld Autism Awareness Day, vabereki vane vana vanoita matambudziko pakutamba nevamwe kana kuita zvinhu zvinotarisirwa pazera ravo kana kuti vane Autism, vachigunun’una hurumende haina zvikoro zvekuti vana vana vavo vadzidzire.

Vachitaura pakupemberera World Autism Day nemusi weChina, ipahurongwa hwakange hakarongwa nesangano rePathways Autism Trust, vamwe vabereki vakati vana vakawanda vane dambudziko iri vari kutadza kuenda kuchikoro nekuti munyika hamuna zvikoro zvinodzidzisa vana vane dambudziko iri.

Amai Doreen Tirivavi, avo vane mwana ane dambudziko iri vanoti vakatambura zvikuru kuti vawane zvimbo yekuti mwana wavo aende kuchikoro sezvo airambwa muzvikoro zvese.

Vati pavakatsvaga rubatsiro kubandiko rebazi redzidzo yepasi reChild Psychological Services, mwana wavo akaendeswa kune chimwe chikoro chine vana vanorama nehurema uye wana wavo hapana zvaidzidza.

Vati nekuda kwaizvozvo vakabvisa mwana wavo pachikoro ichi.

Mumwe mubereki ane mwana ane Autism, Amai Elina Mpemba, vaudza Studio 7, hapana ruzivo rwakawanda pamusoro paAutism.

Vatiwo mwana wavo haasi kutambirwa muzvikoro nekudaro vanotomuriritira vega kutsvaga ano muchengeta nekumudzidzisa.

Vanoti zvikoro zvehurumende zviripo zvinosanganisa vana vane hurema hwakasiyana siyana nekudaro vana vane Austism havana chavanodzidza muzvikoro izvi.

Amai Tirivavi vanoti mushure mekushaya zvikoro zvekuti vana vavo vadzidze vakabana nevamwe vabereki vane vana dambudziko iri vano sanganisira Amai Flora Chinhaire ndokuumba sangano rePathway s Autism Trust.

Sangano iri rakavhura chikoro chevana vane Autism mumusha weMarlborough muHarare, asi chikoro ichi hachisi kuwana rutsigiro kubva kuHurumende sezvimwe zvikoro.

Amai Tirivavi vati pari zvino chikoro ichi chine vana vatanhatu chete sezvo vabereki vakawanda vari kutadza kuendesa vana vavo nekuti chinodhura.

Vati nekuda kwedambudziko rine vana ava, mwana mumwe nemumwe anofanira kunge aine murairidzi wake izvi zvinomera vakawanda.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvedzidzo yepasi sezvo mutauriri webato iri VaTaungana Ndoro vange vasiri kudaira nhare mbozha yavo.

Mutevedzeri wemukuru anoona nezvehutano hwepfungwa, Mental Health Service mubazi rezvehutano, Dr Patience Mawunganidze, vati bazi ravo rionoedza napose parino gona kubatsira vana vane dambudziko reAutism muzvipatara zvavo.

Dr Mawunganidze vati hapana ruzivo rwekuti vanhu vangani vane dambudziko iri nekuti vanhu vanonoka kuenda kuchipatara asi zvinofungidzirwa kuti munhu mumwe chete pazana ane dambudziko iri.

Zvinonziwo dambudziko iri rinobata varume zvakapetwa kana kudarika vakadzi.

World Autism Day iyo inocherechedzwa musi wa 2 Kubvumbi gore rega rega uye gore rino rikucherechedzwa pasi pedingindira rekuti “Autism is a developmental difference, Its Not a disease”

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG