Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC-T yaVaMwonzora Rinodzinga VaZivai Mhetu Zvichitevera Kushoropodza Kwavo Bato iri Mushure meKukundwa muSarudzo dzemaBy-Election


Vakadzingwa mubato reMDC-T inotungamirwa naVaMwonzora, VaZivai Mhetu
Vakadzingwa mubato reMDC-T inotungamirwa naVaMwonzora, VaZivai Mhetu

Bato reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora rinoti radzinga mubato iri nhengo yakakwikwidza yakamirira MDC-Alliance musarudzo yemumiriri weEpworth muparamende, uye vari sachigaro wednunhu reHarare, VaZivai Mhetu.

Izvi zvinotevera chisungo chakaitwa nekomiti yepamusoro yebato, yeNational Council neChishanu chekudzinga VaMhetu, zvichitevera mashoko avanonzi vakataura ekunyomba bato reMDC-T vachiti vakakundwa musarudzo idzi nekuti vakanga vakapfeka bhatye reMDC-T.

VaMhetu vakakundwa naAmai Zalerah Makari veZanu PF.

Mutauriri weMDC-T yaVaMwonzora, VaWitness Dube, vanoti nhengo dzemakomiti maviri epamusoro ebato ravo anoti National Executive neNational Council, dzakasangana kuti dzizeye zvakabuda musarudzo dzema by-election dzakaitwa musi wa 26 Kurume.

VaDube vanoti misangano iyi yakabuda nezvisungo zvakati wandeyi, zvimwe zvacho zvisiri zvekuzeya paruzhinji, asi vanoti chimwe chisungo ndechekuti bato ravo rishande pamwechete risaparadzwe nemashoko akawanda akabuda mushure mesarudzo idzi.

Panyaya yaVaMhetu, VaDube vanoti National Council yebato iri yakasunga kuti VaMhetu vadzingwe mumusangano, kunyange hazvo vakambenge vambomiswa kuve nhengo neStanding Committee yebato.

Vanoti pakazoitwa musangano weNational Council VaMhetu vakaunza vanhu nemabhazi avo vainyomba musangano, izvo zvakaita kuti National Council ibva yangovadzinga ipapo.

Hurukuro naVaWitness Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina kwatakarerekera, tabatawo VaMhetu, avo vanoti kunyange hazvo vasati vapiwa tsamba yekuvadzinga mubato reMDC-T iri, vakabuda vega mubato iri mushure mekuona kuti harisi kufambiswa zvakanaka.

VaMhetu vanoti pavakaenda kunopinda misangano yeChishanu iyi kumuzinda weMDC muHarare vakawana vakavharirwa mikova nevechidiki vaive nemasimbi, mapurisa anodzivirira mhirizhonga pamwe nemamonya akanga atsvagwa kuti avarambidze kupinda mumisangano iyi.

Vanotiwo vanga vagara vachitoda kubuda mubato iri kana hutungamiri hwaVaMwonzora husina kubviswa uhwo vanopomera mhosva dzekusafambisa mari dzemusangano zvakajeka, kudzika vanhu vasina kusarudzwa muzvigaro uye kusafambisa basa zvakanaka.

Hurukuro naVaZivai Mhetu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG