Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzakabudirira Kuenda kuMakwikwi eNhabvu e2022 FIFA World Cup kuQatar Dzinoiswa muMapoka Adzichakwikwidza Dziri


Mapoka emakwikwi e2022 Fifa World Cup achatambirwa kuQatar kutanga muna Mbudzi.
Mapoka emakwikwi e2022 Fifa World Cup achatambirwa kuQatar kutanga muna Mbudzi.

Nyika dzakabudirira kuenda kumakwikwi enhabvu yepasi rose gore rino, e2022 FIFA World Cup, dzakaiswa mumapoka adzichakwikwidza dziri, kana kuti ma group mu draw yakaitwa kuQatar neChishanu, uko kuchatambirwa makwikwi aya gore rino.

Nyika shanu dzichamirira Africa dzinoti, Cameroon, Ghana, Morocco, Senegal neTunisia, dzakaiswa mumapoka akasiyanasiyana.

Senegal, iyo yakaburitsa Egypt mumakwikwi aya mushure memapenaroti, yakaiswa muGroup A umo mune nyika dzinoti Qatar, Ecuador neNetherlands.

GROUP B ine England, IR Iran, United States nenyika ichabudirira pama playoff.

Mamwe mapoka akamira akadayi izvi;

GROUP C: Argentina,Saudi Arabia, Mexico nePoland.

GROUP D: France, nyika ichabudirira muma playoff, Denmark neTunisia.

GROUP E: Spain, ichakunda muma playoff, Germany, neJapan.

GROUP F: Belgium, Canada, Morocco neCroatia.

GROUP G: Brazil, Serbia, Switzerland neCameroon.

GROUP H: Portugal, Ghana, Uruguay neSouth Korea.

Senegal, iyo iri kutarisirwa nevakawanda kuti ingangoenda mberi mumakwikwi aya, ichasangana neNetherlands musi wa 21 Mbudzi mumutambo wayo wekutanga. Qatar, iyo ichange iri pamusha, ichavhura makwikwi aya ichirovana neEcuador musi mumwecheteyo.

Zimbabwe haina kubudirira kuenda kumakwikwi e2022 FIFA World Cup aya, asi kunyange dai yakabudirira yaikundikana kukwikwidza sezvo yakamiswa neFIFA kutamba nezvikwata zvenhabvu zvepasi rose mushure mekupindira kwehurumende mukufambiswa kwenhabvu, izvo zvisingabvumidzwi negungano rinotungamira nhabvu pasi rose iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG