Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaZvimba Votsamwiswa neDanho reKanzuru Yavo reKubhadharisa Mari Vanokanya Zvitinha


Vanhu vanokanya zvitinha kwaZvimba vanonzi vave kunzi vabhadhare mitero.
Vanhu vanokanya zvitinha kwaZvimba vanonzi vave kunzi vabhadhare mitero.

Vagari vakawanda mudunhu reZvimba kuMashonaland West vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo rekuda kuvabhadharisa mari kana vachida kuckanya zvitinha zvekuvakisa dzimba dzavo.

Kanzuru yeZvimba yakazivisa vagari ava kuti kutanga gore rino vanhu vanofanirwa kubhadhara mari kuti vakwanise kukanya zvitinha. Chiziviso ichii hachina kutambirwa zvakanaka nevagari ava vanoti danho iri richadzosera budiriro pasi sezvo vasina mari yekubhadhara kuti vakwanise kukanya zvitinha zvavo.

Chinonzi nevagari ava chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti mutemo wekanzuru uyu
unopesana nezvavagara vachiita kubva makarekare.

Mumwe mugari wekwaZvimba, Amai Anna Muchetu vanobva mubhuku rekwaMuchetu vanoti vakashamiswa kunzwa kanzuru yavo yavakuti vabhadhare kukanya zvitinha, vachiti hazvina musoro kuti vabhadhariswe kukanya zvitinha pazvuru zviri muminda yavo.

Amai Muchetu vanoti kana vachibhadhara mari dzebudiriro kana kuti development levy, hapana chikonzero chekuti vabhadhare zvakare kuchera ivhu rekukanya zvitinha zvekushandisa pamusha wavo, uye vanoti danho iri harikurudzire budiriro kana kuti development.

Mumwe mugari VaDonmore Gombe vanoti kanzuru yeZvimba yave kutsvaka mari nedemo, vachiti kubvira pasi chigare hapana munhu aibhadhariswa mari yekukanya zvitinha zvepachuru chiri pamba kana mumunda make.

VaGombe vanoti nyaya ingade matare inyaya yehuni dzekuzopisisaa zvitinha izvi,
kwete kuchera ivhu.

Mambo werimwe dunhu maZvimba, Mambo Beperere, VaForward Chikepe, vanoti hapana zvavakataurirana nekanzuru pamusoro penyaya iyi, asi vanoti kubva kare kare hapana munhu anorambidzwa kuchaya zvitinha panzvimbo yaanenge akagara.

Mambo Beperere vanoti chinorambidzwa chete kutema miti yekupisa zvitinha kana pasina mvumo.

Mambo Beperere vanoti nyaya dzakadai dzinofanirwa kutauriranwa kwete kuti
kanzuru inombunyikidza vanhu.

Sachigaro vekanzuru yeZvimba, Amai Anna Chipunza, vanoti hapana zvavanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi kana vasati vataurirwa nemakanzura avo zvichemo zvine vagari.

Asi mumwe kanzura anomirira bato reMDC Alliance, VaBaison Mavhuto, vanoti mutemo wavepo wekurambidza vanhu kuchaya zvitinha vasina kubhadhara mari kukanzuru, asi vanoti hausati watanga kutevedzerwa.

Mutauriri webazi rinochengetedza zviwanikwa munyika reEnviromental Management Agency, EMA, mudunhu reMashonaland West, VaMunyaradzi Nhariswa, vanoti haisi nyaya yekanzuru chete asi yemasabhuku pamwe nemadzimambo yekuchengetedza nzvimbo.

VaNhariswa vanotiwo nyaya haisi yekuti vanhu vabhadhare mari kuti vachaye zvitinha asi kuti kuchengetedza nzvimbo dzavagere.

EMA inoti zvakakosha kuti makanzura ashande nevakuru vematunhu vakaita
semadzisabhuku, vana sadunhu nemadzimambo, veZimbabwe National Parks
pamwe nevanoona nezvemiti sezvo nyaya dzekuchaya zvitinha
dzichifambirana nekutemwa kwemiti yekupisa zvitinha, nguva zhinji zvisina tsarukano.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG