Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Votambira Chirongwa Chaparurwa neHurumende Chekupinda Muvanhu Ichipa Zvitupa


Vamwe vevanhu vaenda kunotora zvitupa nemagwaro ekuberekwa mumusha weBudiriro pasi pechirongwa chehurumende chekupinda muvanhu ichipa magwaro aya.

Veruzhinji vanotambira nemufaro chirongwa chaparurwa nhasi nehurumende chekupinda mumisha inogara veruzhinji ichipa magwaro anoratidza kuti munhu chizvarwa chenyika akaita sezvitupa nema birth certificate (National Registration Documents).

Amai Mavis Kambambaira ndemumwe wevagari vekmumusha weBudiriro vanga vakamirira kutora chitupa paBudiriro Community Hall. Kunyangwe hazvo vange vari mumutsetse murefu vati hurumende yagona zvakanyanya kuti vvawaniswe mukana wekuwana magwaro padyo navo.

Izvi zvatsigirwawo naVaRhodes Gutuza, asi vakati kurudziro yavo ndeyekuti hurumende ikwanise kupa magwaro aya pedyo nekunogara vanhu nguva dzese kwete zvekungomirira kana sarudzo dzosvika.

Muzvare Rumbidzai Bhunu, avo vakwanisa kutora chitupa nhasi, vaudza Studio 7 kuti vange vaine mufaro mukuru, vachiti kupiwa zvitupa kumisha inogara veruzhinji kunorerutsawo mutoro wekutsvaka magwaro aya.

Amai Norah Cheza vatiwo kunyangwe hazvo vanga vari kufarira chirongwa chaparurwa nehurumende ichi, vange vamirira kwenguva yakareba. Amai Cheza vatiwo vanga vamira mumutsetse kubva mangwanani nenguva dza9 asi pavataura neStudio 7 kuma 1 masikati vange vasati vasvika mukati kuti vabatsirwe.

Izvi zvatsigirwawo naTalent Masango uyo akurudzira kuti hurumende ikurudzire vashandi vayo kuti vashande nechimbi chimbi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Election Support Network, Amai Ellen Dingani, vati chirongwa chemagwaro ichi chakakosha zvikuru, vakati zvichabetsera kuti avo vanoda kuvhota vazokwanisa kuvhota ezvo vachinge vave nezvitupa.

Mumashoko avo kuvatori venhau, munyori mubazi rinoona nezvemukati menyika VaAaron Nhepera vati chinangwa chechirongwa ichi ndechekupa mukana kuvanhu kuti vawane magwaro kuti vagozokwanisawo kunyoresa sevavhoti. VaNhepera vati vari kushanda nekambani ye Garsu Pasaulis inovawo iri kupa mapasipoti.

Tsvakiridzo yakaitwa nekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, muna 2020 yakabudisa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri munyika havana magwaro anoratidza kuti zvizvarwa zveZimbabwe.

Chirongwa chehurumende chekutenderera nenyika ichipa vanhu magwaro ichi chiri kutarisirwa kusvika muna Gunyana wegore rino.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG