Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Kubvumbi 1, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Veruzhinji votambira nemufaro chirongwa chaparurwa nehurumende chekupida mumisha inogara veruzhinji ichipa zvitupa nemagwaro ekuzvarwa, asi vamwe vachiti ndizvo zvinofanirwa kugara zvichiitwa nehurumende.

Kanzura webato reCitizens Coalition for Change, CCC,
rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa kwaMutare, Amai Monica Mukwada,
avo vakasungwa nezuro manheru vachipomerwa mhosva yekutyora
mitemo yezvemafambisirwo esarudzo, vanobvisiswa mari yechibatiso kuti vakwanise kutongwa vachibva kumba kwavo.

Hondo pakati peUkraine neRussia iri kuenderera mberi munyika mbiri idzi mushure mekunge Ukraine yabhomba matangi epeturu muRussia kunyangwe hazvo pane nhaurirano dzerunyararo dziri kuitwa pakati penyika mbiri idzi pari zvino.

Vagari vakawanda mudunhu reZvimba kuMashonaland West vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo yekuda kuvabhadharisa mari kana vachida kuchaya zvitinha zvekuvakisa dzimba dzavo.

Veteveri vemutambo wekiriketi munyika vopihwa mukana wekuona fainari yemukombe weDomestic T20 pasina muripo wepagedhe wavanobvisa.

Muchirongwa che LiveTalk, nhasi manheru na8pm, tiri kuenderera mberi nekutarisa sarudzo dzema by-elections dzichangobva mukuitwa mune mamwe matunhu emunyika uye zviri kuitika kuUkraine iyo iri kurwiswa neRussia muhondo yakonzera kusagadzikana kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG