Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hurumende Yavo Ichakweretesa Madzimai Akawanda Mari Nekuti Varume Havadzore Zvikwereti


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vange vari munyarikani pamusangano weYoung Women for Economic Development Business Convention waitirwa wakaitirwa muHarare nemusi weChina.

Vachitaura pamusangano uyu nemusi weChina, VaMnangagwa vakati vacharamba vachiisa mari yakawanda kubhanga remadzimai kuti vawane kwekunokwereta mari dzekutanga nekusimudzira mabhizimusi avo. Vanoti hurumende yavo yakaona kuti madzimai anodzorera zvikwereti zvichienzaniswa nevarume.

Vakakurudzirawo madzimai kuti apinde mumaindasitiri ese vachiti vakatobatsira mamwe madzimai akaenda kwavari vachida kupihwawo nehurumende mabasa ekugadzira mugwagwa.

Amai Lucia Manyisa vakabva kuChimanimani kuManicalan vakaudza Studio 7 kuti sangano reYoung Women for Economic Development rakavanyurura munhamo sezvo vave kuita mabasa emaoko anovapa mari kusanganisira kupfuya mbudzi nehuku. Vakatiwo vakafarawo nezvekunzwa kuti kune mabhanga ari kubatsira madzimai munyika nemari dzezvikwereti pasi pechirongwa chehurumende.

Mutungamiriri wesangano reYoung Women for Economic Development Muzvare Tatenda Mavetera vakarumbidza mutungamiriri wenyika vachiti hurumende yaVaMnangagwa iri kugona kusimudzira madzimai kuburikidza nezvirongwa zvehupfumi zvakasiyana-siyana kusanganisira kuwana mukana wekunokwereta mari kumabhanga.

Panyaya yekusimudzira hupfumi, VaMnangagwa vakati vanofadzwa zvikuru kuti kugadzirwa kwezvinhu munyika kwasimukira vachiti zvinhu zvakawanda zvave kutengeswa muzvitoro zvinhu zvinogadzirwa munyika.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo chingave chokwadi kuti zvinhu zvave kutengeswa muzvitoro zvinhu zvinogadzirwa muno dambudziko nderekuti zviri kudhura sezvo zvichida mari yakawanda kugadzirisa nekuda kwekudhura kwemagetsi nezvimwe.

Sangano re reYoung Women for Economic Development rakaparurwa gore rapera nedonzvo rekusimudzira madzimai echidiki ari pasi pemakore makumi mana nemashanu kuti apindewo munyaya dzebudiriro nezvemabhizimisi.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG