Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanodarika Zana reZviuru neMakumi Maviri (122 000)Vobayiwa Nhomba yeCovid-19 Kekutanga neChitatu Chete


A nurse speaks to people waiting to be vaccinated with a COVID-19 vaccine at a public hospital in Harare, Zimbabwe, Dec. 1, 2021.
A nurse speaks to people waiting to be vaccinated with a COVID-19 vaccine at a public hospital in Harare, Zimbabwe, Dec. 1, 2021.

Vanhu zana rezviuru nemakumi maviri nemaviri zvine makumi matanhatu nemumwe kana kuti 122 061 vakabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga nezuro chete zvisati zvamboitika muzuva rimwe chete kubva zvakatanga kubayiwa vanhu nhomba iyi gore rapera.

Izvi zvinotevera chirongwa chehurumende chekuvhura nzvimbo dzakawanda dzekuti vanhu vabayiwe nhomba kutanga svondo rapera. Vana vane makore gumi nemaviri zvichikwira vari kubayiwawo nhomba iyi.

Vanhu vabayiwa nhomba vave mamiriyoni mashanu nezana rezviuru nemakumi manomwe nemumwe zvine mazana maviri nemakumi masere nevatatu kana kuti 5 171 283.

Vanhu zana nemakumi mana vakabatwa nechirwere ichi uye munhu mumwe chete akafa. Izvi zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana mana nemakumi mana kana kuti 5 440.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG