Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopomerwa Mhosva yeKushandisa Covid-19 seChombo Chekutyora Kodzero dzeVanhu


Sangano reAmnesty International raburitsa gwaro rinoratidza kuti nyika zhinji kusanganisira Zimbabwe dzakatyora kodzero dzevanhu zvakanynya munguva yekurwisana nechirwere cheCovid-19. Gwaro iri rinonzi, “The State of the World’s Human Rights, 2021/2022 uye rakaparurwa muSouth Africa nemusi weChipiri.

Kodzero dzevanhu dzinonzi dzakatyorwa zvakanyanya hurumende ichisunga nekurova vatori venhau, vanorwira kodzero dzevanhu, vanopikisa nevairatidzira. Covid-19 inonzi yakashandiswa sechombo nehurumende kumbunyikidza vanopikisa ava.

Vanodzivirira nyika vari kupomerwawo mhosva dzekuponda vanhu ukuwo vanhu vakawanda vachiputsirwa misha yavo. Mauto matanhau anonzi akauraya vanhu vana kuGweru muna Ndira mushure mekunge vanhu vamisidzana navo pavaitsvaga vainzi vainge vaba waya dzemagetsi.

Mauto aya akasungwa vakapomerwa mhosva yekuponda asi vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vaudza Studio 7 kuti vange vasiri muhofisi vakati titaure nemunyori mubazi ravo VaNick Mangwana avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hurukuro naVaMarvelous Kumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG