Accessibility links

Breaking News

Russia Inoti Yave Kubvisa Mamwe Mauto muKyiv Asi America Ichiti Ndezve Mugotsi Matsuro


Mutungamiri weRussian President Vladimir Putin, weUkrainian VaVolodymyr Zelenskyy uye weAmerica .VaJoe Biden.

Russia yazivisa kuti ichaderedza huwandu hwemauti ayo ari kurwisa guta guru reUkraine reKyiv nerimwe re Chermihiv mushure menhaurirano pakati penyika mbiri idzi nhasi. Nhaurirano dzerunyararo pakati peRussia neUkraine dziri kuitirwa muInstanbul, Turkey.

Asi America inoti inotenda maruwa yadya chakata panyaya iyi. Asi mauto eRussia neChipiri akabhombawo muzinda wemukuru wemauto muUkraine mudunhu reMykolaiv. Nzira dzekuti vanoda kuenda muhupoteri vachitiza hondo dzinonzi dzaavhurwa zvekare nhasi mushure mekumborwiswa nemauti eRussia.

Nhaurirano idzi dziri kuuya apo mutungamiri wenyika yeAmerica VaBiden vaita hurukuro nevatungamiri venyika dzinoti Germany, Italy neFrance. Vatungamiri ava vati havana kutaura nezvakataurwa naVaBiden zvekuti VaPutin havachafanire kutungamira Russia. Asi vati vataura nezvekusimbaradza zvirango zvavakavatemera nekuda kupamba Ukraine.

Mutungamiri weturkey VaRecep Tayyip Erdogan vati yasvika nguva yekuti Russia neTurkey dzimise hondo kuburikidza nenhaurirano.

Nhaurirano idzi dziri kuuyawo apo Ukraine iri kuti yatora madhorobha akawanda ainge ambopambwa nerussia. Chikwata chiri kumiririra Russia munhaurirano chinosanganisira VaRoman Abramovich avo vanonzi vanenge vakamboisirwa muchetura pane dzimwe nhaurirano dzakaitwa muKyiv, Ukraine.

Vachitaura nhaurirano dzisati dzatanga, mutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy vati zvirango zvakatemerwa russia mushure mekuyedza kupamba nyika yavo zvinofanira kuonekwa kuti zvashanda sezvo nyika iyi isingafanire kuyedza kupamba dzimwe nyika ichifunga kuti hapana zvainoitwa.

Zvichakadaro, vakuru vemauto muamerica vanoti mauto eukraine akwanisa kutora dhorobha retrostyanet mushure mekurwisana nemauto erussia zvakasimba.

VaZelenskyy vanoti vatorawo musha weirpin zvekare pedyo neguta guru renyika yavo reKyiv. United Nations inoti hondo iyi yapa kuti vanhu mamiriyoni gumi vatize misha yavo kusanganisira vamwe mamiriyoni matatu nezviuru zvisere vakaenda muhupoteri kune dzimwe nyika.

Muzvinafundo Moses Rumano vanodzidzisa paFriends University kuKansas, America vaudza Studio 7 kuti vane chivimbo chekuti nhaurirano dzinobudirira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG