Muzvare Mary Mubaiwa vaimbova mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanzi nachiremba vavo vadimburwe ruoko sezvo vasisakwanise kurapika. Izvi zvinotevera kurambidzwa kunorapa kunze kwavakaitwa nematare.
Muzvare Mubaiwa vainge vakatarisirwa kumira pamberi pedare neChipiri asi magweta avo ati vari kurwara zvakanyanya uye havakwanise kumira pamberi pedare. Dzimwe nguva vaimanikidzwa kuenda kudare vachirwara zvaizopa kuti vagume vadonha kana kufenda.
Muzvare Mubaiwa vakarambidzwa kunorapwa kunze kwenyika kwavakaitwa nematare vachinzi vanozotiza sezvo vakatarisana nemhosva dzinogona kuti vagare mujeri kwenguva yakareba. Dare repamusoro reHigh Court nerepamusoro soro reSupreme Court akaramba kutambira chikumbiro chekuti vanorapwa kunze kwenyika.
Vamwe vatongi vakaramba vanosanganisira VaTendai Uchena avo vakati Muzvare vane vakawanda vavanoziva kuSouth Africa nekudaro vanogona kuzotadza kudzoka.
Rimwe gweta ravo Amai Beatrice Mtetwa vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vanachremba vati kuti Muzvare Mubaiwa vararame vave kufanira kudimburwa ruoko. Studio 7 yayedza kubata amai waMuzvare Mubaiwa, Amai Helga Mavo vati vange vasina kusungunuka kutaura sezvo vange vachityaira motokari uye vatiwo vakamirira kupirwa zvizere kubva kuna vanachiremba.
Muzvare Mubaiwa vari kupomerwa mhosva dzakawandawanda dzinosanganisira kuti vaida kuita vachiwenga kafiramberi uye kuti vakayedza kuda kuita huori pakuti vaviri ava vachate.
Asi vari kuramba mhosva dzose dzavari kupomerwa idzi uye vari kutevera zviri kuitika mumatare vanoti zvapupu zvehurumende zviri kutatarika kuvaroverera mhosva.
Facebook Forum