Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau dzanhasi, Chipiri, Kurume, 29, 2022.


Shona Headlines
Shona Headlines

Muzvare Mary Mubaiwa vaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanzi nachiremba vavo vadimburwe ruoko sezvo vasisakwanise kurapika. Izvi zvinotevera kurambidzwa kunorapa kunze kwavakaitwa nematare.

Sangano reAmnesty International raburitsa gwaro rinoratidza kuti nyika zhinji kusanganisira Zimbabwe dzakatyora kodzero dzakawanda munguva yekurwisana nechirwere cheCovid-19.

Masangano anorwira kodzero dzemai anoti mapato ezvematongerwo enyika haasi kutevedzera mutemo pakuti madzimai apihwe mukana wakafanira panyaya yezvigaro munyaya dzezvematongerwo enyika.

Zimbabwe inoti ichadzora madzimai emunyika ari kushandiswa senhapwa kuOman mushure mekunyeperwa kuti kune mabasa.

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi dzozeya kushaya simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika pamusika weRBZ nepamukoto.

Muchirongwa cheThe Connection chatinotaura nevechidiki, nhasi na 8 pm Mike Hove weStudio 7 achange achitaura nevechidiki vakakwikwidza nekukunda musarudzo dzichangopera dzemaby-elections uye achatarisawo matambudziko ari kusangana nevechidiki vakanganiswa nehondo iri kuUkraine iyo iri kurwiswa neRussia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG