Accessibility links

Breaking News

VaChamisa naVaMwonzora Vobatana Mukukurudzira Kuvandudzwa kweMitemo yeSarudzo


Mutungamiri weCC VaNelson Chamisa nemutungamiri weMDC Alloiance musarudzo VaDouglas Mwonzora vasati vapatsanurana
Mutungamiri weCC VaNelson Chamisa nemutungamiri weMDC Alloiance musarudzo VaDouglas Mwonzora vasati vapatsanurana

Mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, nemutungamiri weMDCT, VaDouglas Mwonzora vakurudzira kuti paitwe nhaurirano munyika kugadzirisa matambudziko akatarisana pasati paitwa sarudzo dzegore rinouya vachiti sarudzo dzema by-elections hadzina kufamba zvakanaka kunyange hazvo bato reCCC riri bufara kuti rakakunda musarudzo idzi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, VaChamisa vati vari kufara zvikuru kuti bato ravo rakakunda musarudzo dzema by-elections kunyange hazvo vachiti havasi kufara nekusafamba zvakanaka kwesarudzo mune dzimwe nzvimbo uko kwavanoti vanhu vakatyisidzirwa pachishandiswa madzishe.

Vaenderera mberi vachiti vato ravo ratova mubishi kugadzirira kuti rigowana nhengo dzepararmende dzakawanda dzichapinda mudare iri kudarika mapato ose uye kukunda musarudzo dzemutungamiri wenyika kuitira kuti vagokwanisa kuumba hurumende pachaitwa sarudzo dzegore rinouya.

Vatiwo havasi kufara nekusamira zvakanaka kwegwaro revavhoti vachiti izvi ndezvimwe zvinofanira kuti mapato ezvematongerwo enyika agare pasi ataurirane nechinangwa chekuti sarudzo dzichazoitwa gore rinouya dzigoitwa pasi anogun'una sezvakaitika musarudzo dzemuna 2018 izvo zvakazopedzisira zvaita kuti vaende kumatare vachiti vabirirwa musarudzo idzi.

Mashoko aVaChamisa atsigirwawo naVaMwonzora avo vaudza vatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Richard Tsvangirai House kuti kupera kwaita sarudzo dzema by-elections kunogona kupa mapato mukana wekuti agare pasi azeye zviri kunetsa munyika.

VaMwonzora, avo vakorokotedza VaChamisa nebato ravo nekukunda kwavakaita musarudzo dzema by-elections bato ravoo risina kana chigaro chimwechete charakawana, vati vane tarisiro yekushanda zvakanaka nenhengo dzeCCC muparamende pamwe nemukanzuru.

VaMwonzora vatenda kuti vakatadza kusvitsa hurongwa hwavo zvakanaka kuvatsigiri vavo zvavanoti zvakaita kuti vakundwe musarudzo idzi. Vati vachagara pasi nemakomiti ose ebato ravo pamwe nemapato ari mumubatanidzwa wavo weMDC Alliance kuti vazeye kuti voita sei kuti vagokunda musarudzo dzegore rinouya vachiti havasi kuzorasa mbereko nekufirwa.

Varambawo mashoko ekuti vakambomiswa basa muMDC Alliance vachiti munhu akanyora tsamba yekumbovamisa basa haana masimba ekuvamisa basa uye vati havafungi kuti tsamba iyi ndeyechokwadi.

VaMwonzora vati havaone chakaipa kuti vagare pasip naVaChamisa vachizeya nyaya dzinobata ruzhinji rweZimbabwe asi vati zviri kuna VaChamisa nevamwe vavo vari muCCC kuti vanoda here kuti vagare pasi semapato anopikisa.

Vati nyaya dzekurwira kuti pavandudzwe hwaro hwesarudzo haisi nyaya inofanira kuitwa nebato rimwechete vakati mapato anopikisa anofanira kuita chirwirangwe panyaya iyi kuitira kuti sarudzo dzichauya dzigofamba zvakanaka.

Zvichakadaro, mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa,vaudza vatori venhau pamuzinda webato ravo kuti vari kufara zvikuru kuti vakatora zvigaro zviviri muparamende kubva kumapato anopikisa musarudzo dzema by-elections.

VaMutsvangwa vatiwo sarudzo dzakaitwa nemusi weMugovera dzaburitsawo pachena kuti bato ravo rakawana rutsigiroo rwakakura mumaguta kana zvichienzaniswa nedzimwe sarudzo dzakapfuura vachiti izvi zvinoratidza kuti bato rato riri kuzadzikisa zvido zveveruzhinji, pamwe nevemamabhizimusi avo vavanoti vari kufara nekubata kuri kuita mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa basa.

Kunyange hazvo bato reCCC pamwe nereZanu PF vari kufara nezvakabuda musarudzo, sachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo sarudzo dzemusi weMugovera dzaive dziine runyararo, izvi hazvirevi kuti sarudzo idzi isarudzo dzakaitwa zviri pachena.

VaMakoni vati sangano ravo harisi kufara nemhirizhonga yakaitika kuKwekwe pamusangano wakaitwa naVaChamisa nevatsigiri vavo iyo inonzi yakakonzereswa nenhengo dzeZanu PF zvakazoita kuti munhu mumwechete VaMboneni Ncube carasikirwe nehupenyu.

VaMakoni vatiwo havasi kufara onekushandiswa kwaiitwa chikafu mune dzimwe nzvimbo nebato reZanu PF richitenga mavhoti uwe vatiwo sangano ravo riri kushushikana zvikuru kuti vanhu vashoma vakanovhota vachiti izvi zvinoratidza kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commision haina kuita basa rayo rekudzidzisa vanhu nezvekuvhota nemazvo.

Vatiwo mapato anopikisa haana kupihwa mukana wekuzvishambadzira pamberi pesarudzo dzakaitwa neMugovera panguva iyo mapato anopokisa aya airambidzwawo nemapurisa kuita misangano yawo.

Pose pari kuitwa sarudzo mapato anopikisa ari kusara achigununu'una kuti sarudzo hadzisi kufambiswa zvakanaka munyika izvo zvanzi naVaChamisa zvichaitawo kuti vatarisise zvikuru nyaya yekuti vakumbire sangano reUnited Nations kuti rigouya kuzoongorora sarudzo dzegore rinouya vachiti zvose zvakataurwa nemasangano akaongorora sarudzo dzemuna 2018 hapana kana chinhu chimwe chete chatariswa nezvacho nehurumende yaVaMnangagwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG